Lesson
4
Zvishamiso Zvekutanga
1 Chishamiso chekutanga chakaitwa mugomo rinonzi Chivako, hafu yemaira kubva pamusha pavo, nevarume vakatanga kuoneswa ndi S. Mhundwa, J. Mhundwa, M. Nyamunda, M. Bumhira naMai Nyamushanya.
2 Vari kuenda kugomo imomo kwakanga kuine rima.
3 Asi Mweya wakavavenekera vari kukwira mugomo imomo.
4 Vasvika pamusoro paro, Matenga vakakwira pamusoro pemabwe; vanhu ava vakaona izvozvi vakabatwa nemasimba mazhinji chaizvo.
5 Vakaputsikira mumabwe asi hapana akakuvara zvake.
6 Zvakava nekuvatyisa chaizvo.