Guta Ra Jehova
Lesson 4

Zvishamiso Zvekutanga

1 Chishamiso chekutanga chakaitwa mugomo rinonzi Chivako, hafu yemaira kubva pamusha pavo, nevarume vakatanga kuoneswa ndi S. Mhundwa, J. Mhundwa, M. Nyamunda, M. Bumhira naMai Nyamushanya.

2 Vari kuenda kugomo imomo kwakanga kuine rima.

3 Asi Mweya wakavavenekera vari kukwira mugomo imomo.

4 Vasvika pamusoro paro, Matenga vakakwira pamusoro pemabwe; vanhu ava vakaona izvozvi vakabatwa nemasimba mazhinji chaizvo.

5 Vakaputsikira mumabwe asi hapana akakuvara zvake.

6 Zvakava nekuvatyisa chaizvo.