Guta Ra Jehova
Lesson 97

Zuva Guru reEaster muGuta raJehova

1 Rakati zuva guru reSvondo rasvika muEaster, zuva rakakunda Mwanakomana weMunhu.

2 Takafuma muka mangwanani tichipembera neGuta rose.

3 Vanhu vazhinji-zhinji vakanga vachiimbaVanhu vazhinji-zhinji vakanga vachiimba "Jerusarema Musha Wangu, Musha WakanakaMusha Wangu, Musha Wakanaka".

4 Zvino makanga muine mutinhimira wekuimba uko kwakanga kuchityisa chaizvo.

5 Zvino tava Mudivi , shoko rakati,"Munofanira kukwira mugomo."

6 Vanhu vakakwira vachimhanyidzana, nekuti vaiziva kuti mune upenyu.

7 Mugomo imomo munhu umwe neumwe aizviratidza pamberi paVaJehova.

8 Achiti,"Onai Baba makandikodzeresa; ndava murume, ndava mukadzi akafanira, nepamusana peWakauya munyika."

9 Kuzoti Matenga vauya Mudivi , vanhu vese takadzika kubva mugomo.

10 Pakarepo Matenga vakasimuka mukati mevanhu vavo.

11 Vakati,"Amuka nhasi Mwanakomana weMunhu kubva muguva."

12 "Vakunda, saka maona riri Jerusarema chete, rufaro chete mukati memaguta ekudenga sezuatiri muno nhasi muJerusarema.chete, rufaro chete mukati memaguta ekudenga sezuatiri muno nhasi muJerusarema."

13 Zvino zvifananidzo zvakaburitswa; zvaida kupinzwa muDenga, zvakareurura zvose zvikapinzwa zuva iroro.

14 Kuzoti pasvondo yemasikati, vana vakabhabhatidzwa.

15 Vakakwana makumi maviri nemasere, kuratidza mbiri yaBaba munyika.

16 Vanhu vaMwari, taifanira kutyiswa pane mashura nezviratidzo zvakadai.

17 Dai asina kuuya zvinhu izvi, taizozviburitsirwa naniko?

18 Taipedza kuraswa tose muAfrica, vana vekutsvairwa neruoko bedzi.

19 Zvino akauya Mununuri , akauya kuzotinunura isu vana vekutambudzika.

20 Vana vese ava vemhanje dzaitambudzika munyika, ko ndiani aizovapa vana?

21 Taifanira kudavira kuti uyu ndiMwari akadzika munyika.

22 Easter iyi pakanga paine mazana nemazana evanhu.

23 Saka pamufananidzo uyu, ndiwowo vanhu vakabva mumatambudziko.

24 Vakutenderera chigaro chaBaba chine upenyu husingagumi.

25 Vamwe vavo vakauya vari rufu, vamwe zvirema, vamwe mapofu, vamwe mbeveve, vamwe vaipenga.

26 Asi vasangana neruoko runoyera, hevo vakuchirira pamberi peMusiki, vachizviratidza kuponeswa kwavakaitwa.

27 Vanhu vaMwari, ini ndinotyiswa nemabasa makuru ari kuitwa naVaJehova mukati menyika.

28 Taifanira kuisa pfungwa kwakadzama, vanhu vaShe. Amen.