Guta Ra Jehova
Lesson 30

Ngundu DzekuGuta Ravo

1 PaGuta rekutanga munyika yaMambo Seke.

2 Vanhu vazhinji vakaenda kunopiwa ngundu mugomo.

3 Kwaiti vatumwa vengundu vagarira.

4 Matenga vaisarudza vanhu kuti vaende kugomo, kunosangana nezvityiswa.

5 Vaienda kugomo rakanga ririko.

6 Vaiswera variko vachiratidzwa zvityiswa; vamwe vavo vaibvako vazere nemasimba chaizvo.

7 Remangwana vabvako, vaiswera vakapfigirwa mumba vachiratidzwa zvityiswa.

8 Kuzoti ava masikati pasvondo iyoyo, kana mangwana, vanotaura zvavakanoratidzwa ikoko zvose.

9 Vaipiwa nechipikirwa. Nevatora ngundu huru vaitaurwa; iri idanho rinotyisa chaizvo.

10 Zvakatyisa mwoyo wangu.

11 Pakati pevazhinji ava vakapiwa ngundu .

12 Kune vamwe vasisipo, rasara rava zita chete.

13 Vamwe vavo vakadzokera munyika.

14 Nekuti vakadisa rima kupinda chiedza.

15 Vakaona maruva enyika akanakisa, vakakanganwa nezvavakanga vaitirwa naBaba.

16 Ndivo vaya vanonamata vasingatyi mirairo yaMwari.

17 Vachiita zvisingadiwi naMatenga kana Bhaibheri ; kana ukagara makore mangani zvako, uchinamata usingatyi Mwari zvako, muMatenga hamupindiwe nevakadaro.

18 Ndizvozvo saka madhimoni awanda kuvanhu, nepamusana pezviito zvedu munyika; haisiri mhosva yeBhaibheri kwete kana Baba.