Rwendo KuBhechenafu bhiriji
1 Nerimwe zuva Matenga vakaenda kuBhechenafu bhiriji. Kune vanhu vanerudaviro.
2 Nekunzvimbo idzo vanobva iri kure chaizvo.
3 Kune vamwe avo vasati vaziva kunamata Mwari .
4 Vakaenda kwaMakuyana zuva iroro, vakasvika ava manheru; vavhangeri vakaenda kunoona Ishe weikoko.
5 Aziviswa, vanhu vakauya kwazvo.
6 Matenga vanoti,vanoti, "Tingaiteseyiko, kuti ave vanoziva kunamatawo Mwari ??"
7 Kuzoti ava mangwana, kune vamwe vaida kureurura vachida kubatwa musoro kupindukira muna Jehova ; paiva nehuwandu huzhinji chaizvo.
8 Kuzoti tabva ipapo takauya kubhiriji muna Save.
9 Matenga vanoti,"Vakavaka bhiriji iri hadzisi njere dzavo, kwete."
10 "Zvino akafa; handizivi kuti akawanawo nzvimbo muDenga here. Dai ndaizviziva, ndaizofara kwazvo."
11 Matenga vanoti,"Dai ndaimuona kuti aripapi, ndaimuchemerera kuti apinde muMusha."
12 Asi vari parwendo rwavo urwu vakapfuura nepane rwizi rumwe runonzi Dhevure. Uru rwizi rwakanga rwakapedza vanhu kueredza vachifa.
13 Matenga vanoti,"Shoko rati, 'Waona izvi here?'"
14 "Ungadai watora mvura yerukova irworwo wateurira."
15 "Mune madzimudzangara murwizi imomo."
16 "Zvanzi naVaJehova, 'Iwe unesimba rekubvisa izvozvo nekucheka izvozvi'."
17 Matenga vanoti,vanoti, "Ndashamiswa nevana veGuta kutevera Matenga .."
18 Mutumwa anoti,"Ndozvandinonoenda mugomo, ndinenge ndaona zvivi zvenyu zvawanda, ndikabvunza zvekuti, 'Chinyi chakonzera kuti ava vana vave nenyota?'"
19 "Izvi zvakandityisa, saka shoko rinoti kuchava nezvishamiso zvishamiso; munhu nemunhu ngaaise pfungwa pakadzama."
20 Pakasimukawo Vavhangeri. P. H. Mutudza akataurawo pakufamba rwendo irworwo.
21 Akataura nyaya iyoyo naIshe vakashamiswa naMatenga.