Guta Ra Jehova
Lesson 119

Baba Vanoenda Chinhoyi kwaMambo Zvimba

1 Yakati nguva yakwana yeGwayana yekuti ritutsirwe munyika naVaJehova, zvirokwazvo rakasimuka rikaenda Chinhoyi.

2 Zvirokwazvo Baba vakanga vaenda kunobvisa magobo akanga ashaya mubvisi munyika.

3 Zvino Baba vakaenda; richidimura nyika nepakati, rikapota nemimikana yemakomo, richidimura nemunzizi zhinji kwazvo.

4 Nyika yose yakazunguzika, nezvakanga zviri pasi pevhu zvikadedera.

5 Baba vakanga varonga vachiri muGuta kuti denga rizere nemvura, asi Ivo Baba VaJehova vachaita kuda kwavo.

6 Uye rwendo rwacho rwakaoma chaizvo.

7 Tasimuka muGuta, pipi guru; chitima chakamiswa, asi nguva yacho yekuti chisimuke yakanga yakwana.

8 Asi chakamirira vanhu vakanga vasara vari shure.

9 Tasvika muHarare, takaona chimwe chitima chagarira kutitora.

10 Pipi guru; tava kusvika muChinhoyi, vana veGuta vese vakatanga kuchema pamwepo.

11 Pakarepo takaona motokari yaiva naMatenga ichibva yapfuura.

12 Tava muChinhoyi imomo, vanhu vakashama kwazvo nekuimba kwakanga kuchiita vana vaJehova.

13 Matenga vasvika muChinhoyi, vakaona Mambo Zvimba vatovapo pahofisi ipapo.

14 Zvino takaenda kunzvimbo iyo yakanga yapiwa Matenga kuti vashandire basa ravo.

15 Papi nepapi panofamba Matenga , vanototanga vaonana naMambo neNgosi yenyika iyoyo, vozotanga kuita basa ravo.