Lesson
66
Matenga Vanomisa Mvura, Pipi
1 Kunoti nerimwe zuva Matenga vakamisa mvura yakanga ichida kunaya.
2 Nenguva idzodzo ndakanga ndiri muGuta.
3 Ndakaona denga razara nemvura zhinji-zhinji, ichitinhira zvikuru kwazvo.
4 Vese vanhu vakava nekutya vachiti,"Nhasi tinopera, nhasi tatoparadzwa nemvura zhinji,"panguva idzodzo.
5 Denga raitinhira zvinotyisa.
6 Matenga vakaenda pamusoro pegomo.
7 Vakagwadama vachikumbira kuti mvura ipfuudzwe, vakadaidzira nezwi guru kwazvo; ipapo Matenga vakabuda dikita kana kuti ziya zhinji kwazvo.
8 Vakatora chari yavo vakaisimudza vachiveyaveya chari yavo; mvura yose ikaparara. Hamutendizve here vanhu vaMwari?