Guta Ra Jehova
Lesson 66

Matenga Vanomisa Mvura, Pipi

1 Kunoti nerimwe zuva Matenga vakamisa mvura yakanga ichida kunaya.

2 Nenguva idzodzo ndakanga ndiri muGuta.

3 Ndakaona denga razara nemvura zhinji-zhinji, ichitinhira zvikuru kwazvo.

4 Vese vanhu vakava nekutya vachiti,"Nhasi tinopera, nhasi tatoparadzwa nemvura zhinji,"panguva idzodzo.

5 Denga raitinhira zvinotyisa.

6 Matenga vakaenda pamusoro pegomo.

7 Vakagwadama vachikumbira kuti mvura ipfuudzwe, vakadaidzira nezwi guru kwazvo; ipapo Matenga vakabuda dikita kana kuti ziya zhinji kwazvo.

8 Vakatora chari yavo vakaisimudza vachiveyaveya chari yavo; mvura yose ikaparara. Hamutendizve here vanhu vaMwari?