Guta Ra Jehova
Lesson 13

Kushanda Kwebasa

1 Pakandava paGuta ravo, paiti nerimwe zuva Matenga vaidaidzira Jekiseni kuvanhu vavo, vanhu vairutsiswa; vakadaidzira muteyo.

2 Kukasheedzwa nezwi guru, vanhu vairutsa kwazvo. Miviri yevanhu yaiswera yakati rukutu kwazvo.

3 Kana vadaidzira, mweya yevanhu yaiswera kana kurara zvavo pasina chavanofunga kudya, vasinganzwi nzara kwete.

4 Kana pavairapa, madhimoni aibuda mumaraini zvinotyisa chaizvo.

5 Abvunzwa, aitaura mhosva dzavo nechaanoda pamunhu iyeye.

6 Kana nevatendi, mafurumemba, vaibudirwawo nemadhimoni kwazvo.

7 Asi vanhu vakabatsirwa zvikuru nekuti vamwe vaidya vana mudzimba, vamwe vaiva n'anga dzaishopera.

8 Mamwe mazhinji aitambudza mudzimba dzevanhu vakasiyana-siyana, asi ava vese vakabatsirwa.

9 Nhasi vamwe vava kugara zvakanaka mudzimba dzavo nenzira yaMatenga; vakabatsira mweya mizhinji yaitambudzika munyika.

10 Kwakati nemumwe musi mangwanani kumba kwaMandaza.

11 Matenga vakati,vakati, "Kumba kwenyu kune ngozi .." Asi yaiva nemukadzi wavo; ikabuda asi haina kutaura, chinhu nenzira yemweya yakaipa; fodya yakanhuhwa, hapana chakazotaurwa ipapo.

12 Ivo Matenga pavakataurazve kumwanasikana waChihota, akanzi anozvara mwanasikana anonzi Ruwadzano ; zvikaitika saizvozvo.

13 Pakauya mukadzi wekumaeka akanga ava kunhuhwa rufu.

14 Asi Matenga vakashingaira naye kuti ararame.

15 Pakabuda mweya wetsvina, dhimoni rekuroya rambuya vake, vaiti,"Roya seni."

16 Ndicho chikonzero chehosha iyoyo yekunhuhwa rufu.

17 Akaponeswa parufu naMatenga.

18 Mumwe musi pakauya musikana aiva nenhumbu yakanetsa chaizvo, yakatadzikanwa nemadhokotera nen'anga.

19 Asi akazouya paMatenga, akanamatirwa naMatenga.

20 Akazosununguka mwana wemukomana, zita rake akanzi Razaro.

21 Achiri muura aiva nemweya mushomanana.

22 Matenga vakapamidzira mweya, akapona. Zvinoshamisa ndezvekuti, vanhu vaMwari, mwana uyu waitsanya kwemasvondo maviri asingamwi.

23 Zvino mwana waChihota akanzi,"Murume wako haugare naye, munorambana chete"; zvikaitikawo saizvozvo.

24 Pakarambanwa pakanzi pakabviswa nhumbu; izvozvi hazvidiwi kuDenga.

25 Ndizvo zvakanga zvoda kumuuraya nenzira yekubvisa nhumbu kwaakaita.

26 Kwakauya mumwe mudzimai aiva nedhimoni reuroyi.

27 Raizoti kana vanhu voimba, robuda. Raizoisa moto kuti ridye nyama yevanhu, sekushanda kwaraiita usiku.

28 Uyu mukadzi akaponeswa naMatenga, nekuti rakabviswa iro dhimoni raimudaro.

29 Kune zvizhinji zvakabviswa naMatenga muvanhu.

30 Nevazhinji vakadavira kuti uyu zvechokwadi ndiBaba, vese ivavo vakapona.

31 Asi avo vasina kuda kuteerera vakadzokera mumashure. Asi hakuna kupona kwavari.