Guta Ra Jehova
Lesson 73

Musangano Wekubviswa KweGehena RaSatani. Pipi Guru

1 Hama dzangu ndichikutaurirai izvi, handisi kuti ini ndakanaka kwete.

2 Chandakaona chakaita kuti izvi ndizvinyore kuti tose tiyeuchidzane; neni ndiri mudiki pane izvi.

3 Ndakati ndiri muGuta, ndakaona zuva rimwe Matenga vachiuya Mudivi vazere nemasimba.

4 Zvino Baba vakati vatarira mudenga.

5 Vakaona mweya yevari muGuta vachinetsa vanhu vakanga vari muGuta raBaba.

6 Mweya iyoyo yaitadzisa vanhu kunamata.

7 Nekuti yaida kuti vanhu vapenyu vafanane nezvavakaita, kuti vafe vazoendawo kugehena.

8 Ndivo vaya vanouya vachiita madhimoni kuvanhu vapenyu.

9 Saka Baba vakatumwa kuzobvisa mweya iyoyo iyo yakanga ichinetsa aninaani paupenyu hwake; saka Mununuri akauya anezvose.

10 Saka ndiyo mweya iya yaiita basa rekusungwa, ichibuda ichitaura mhosva dzayo, yoripirwa nezviro zvakasiyana-siyana.

11 Zvino hakusisina, yotouya yava vatumwa.

12 Zvino Baba vakadzima Gehena , rakafushirwa rakava sango reshumba, nemhuka dzesango, nenyoka, nezvimwe zvinoshoshoma.

13 Imomo mushumba ndimo munongoiswa vakafa vanenge vakaipa; munenge muine rima chete, hamuna zuva kana kuti mwedzi zvawo.

14 Kana waiswa imomo, unondogara uchitambudzika kasingaperi.

15 Nekuti shumba dzinodzova chete murima imomo; kana ukati urumbe, unonomonerwa nemadzinyoka, zvino hapana chinombokudya kana kuruma, hapana.

16 Unonogara uchitambudzika kudaro, hapana chinombokuruma.

17 Unogaramo kusvikira kutongwa kwenyika kusvike.