Musangano Wekubviswa KweGehena RaSatani. Pipi Guru
1 Hama dzangu ndichikutaurirai izvi, handisi kuti ini ndakanaka kwete.
2 Chandakaona chakaita kuti izvi ndizvinyore kuti tose tiyeuchidzane; neni ndiri mudiki pane izvi.
3 Ndakati ndiri muGuta, ndakaona zuva rimwe Matenga vachiuya Mudivi vazere nemasimba.
4 Zvino Baba vakati vatarira mudenga.
5 Vakaona mweya yevari muGuta vachinetsa vanhu vakanga vari muGuta raBaba.
6 Mweya iyoyo yaitadzisa vanhu kunamata.
7 Nekuti yaida kuti vanhu vapenyu vafanane nezvavakaita, kuti vafe vazoendawo kugehena.
8 Ndivo vaya vanouya vachiita madhimoni kuvanhu vapenyu.
9 Saka Baba vakatumwa kuzobvisa mweya iyoyo iyo yakanga ichinetsa aninaani paupenyu hwake; saka Mununuri akauya anezvose.
10 Saka ndiyo mweya iya yaiita basa rekusungwa, ichibuda ichitaura mhosva dzayo, yoripirwa nezviro zvakasiyana-siyana.
11 Zvino hakusisina, yotouya yava vatumwa.
12 Zvino Baba vakadzima Gehena , rakafushirwa rakava sango reshumba, nemhuka dzesango, nenyoka, nezvimwe zvinoshoshoma.
13 Imomo mushumba ndimo munongoiswa vakafa vanenge vakaipa; munenge muine rima chete, hamuna zuva kana kuti mwedzi zvawo.
14 Kana waiswa imomo, unondogara uchitambudzika kasingaperi.
15 Nekuti shumba dzinodzova chete murima imomo; kana ukati urumbe, unonomonerwa nemadzinyoka, zvino hapana chinombokudya kana kuruma, hapana.
16 Unonogara uchitambudzika kudaro, hapana chinombokuruma.
17 Unogaramo kusvikira kutongwa kwenyika kusvike.