Guta Ra Jehova
Lesson 5

Kechipiri Mugomo

1 Vakakwirazve kechipiri nevamwe vanhu mugomo.

2 Vakati vari kunamata, vakaona Baba vasisiri navo.

3 Vakanzwa izwi richitaura chete pamusoro pegomo.

4 Vatarisa vakashaya, vakavamba zvekunamatazve vakazoona Baba vawanikwa vose.

5 Vakanga vaina Muvhangeri Tawe, naMatare, naMai Nyamushanya.

6 Ava Vamai Ema Nyamushanya ndivo vakachengeta Matenga kusvikira kukura kwavo.

7 Ndivo pamwe nehandzvadzi yavo Huchu.

8 Kwakati nerimwe zuva vakatora J. Mhundwa nemudzimai wacho pamwe navo Matenga .

9 Vari kufamba vakasvika pamusangano waMaziyoni wakanga uri panzvimbo yepaNyashanu.

10 Vasvikapo, vakasimuka kuti vataure kuti,"Ini ndakatumwa kuti vanhu vese varegere zvakaipa zvavo zvose."

11 Mumwe mudzimai ndokusimuka akapokanisana nezvavakanga vachitaura.

12 Achibva atobatwa nemweya wetsvina, dhimoni.

13 Shure kwekubudiswa kwedhimoni, achibva azobatwa neMweya kwaye.