Zemenisheni Revasikana Nevakomana muGuta raVaJehova
1 Rakati Matenga vamire pakati peChita chavo icho vakakoka regambune.
2 Zvino Mweya waveneka, rikati majaya nemhandara vanofanira kuti vaende kurukova kuZemenisheni.
3 Rikati,"Iri iZemenisheni remweya, Baba vati handidi sangano rine mhombwe."
4 "Baba vati kana wakauya wakadaro kuno nehupombwe, ndinonorasa."
5 "Kwete kusvibisa zita raBaba naMai vako."
6 "Ndozvandakauyira zvacho, kuti enda undobvisa upombwe ne uroyi nezvizhinji zvose."
7 "VaJehova vanoti anouya achinhuhwa gwema revakomana, kana revasikana, anondoraswa."
8 "Mazvionera mose varume nevakadzi kuti muGuta raVaJehova rinoveneka, mune mwenje."
9 "Havadi kuti sangano ravo risvibiswe kwete."
10 Zvino vakomana nevasikana vakanga vachitenderera Divi vachifora, vaine zvigurangu zvemashizha nezvigumbu zvavo.
11 Vakomana vakaendeswa kurukova naVaM. Mushonga naVaTewende.
12 Vasikana vaiendeswa kurukova nevatungamiriri vevadzimai.
13 Gwayana richaropafadza aya mashoko nekusingaperi. Amen.