Guta Ra Jehova
Lesson 149

Kumuka KwaJesu muGuta PaEaster

1 Iri izuva rekumuka kweMwanakomana wemunhu muGuta; izuva rinotyisa kwazvo pazuva reEaster.

2 MuGuta umu vanhu vanofumamuka vakapfeka zvichena nezvigurangu zvavo mumaoko avo.

3 Vanenge vachiimbaVanenge vachiimba "Jerusarema musha wangu, musha wakanakamusha wangu, musha wakanaka".

4 Zvino vanhu vanenge vachitenderera neGuta rose vachipembera vachiti,"Amuka nhasi, akunda."

5 Zuva iri izuva guru kwazvo mukati meGuta raVaJehova.

6 Tinokwira mugomo tichiimba tirimo kusvikira Gwayana riuye Mudivi .

7 Zuva iroro Matenga vakaburitsa vatumwa veDenga vakanga vauya kuzoona kumuka kwaJesu muGuta.

8 Zvino shoko raMatenga vakati,"Vamuka nhasi, nyika yadedereka, ikapenyerwa nhasi; kukunda uko."

9 "Ndafamba neDenga nenyika, nhasi zvakasungunuka."

10 "Dai Judhasi airoverera; iro ka basa riri pachena, akunda nhasi. Amen."