Kumuka KwaJesu muGuta PaEaster
1 Iri izuva rekumuka kweMwanakomana wemunhu muGuta; izuva rinotyisa kwazvo pazuva reEaster.
2 MuGuta umu vanhu vanofumamuka vakapfeka zvichena nezvigurangu zvavo mumaoko avo.
3 Vanenge vachiimbaVanenge vachiimba "Jerusarema musha wangu, musha wakanakamusha wangu, musha wakanaka".
4 Zvino vanhu vanenge vachitenderera neGuta rose vachipembera vachiti,"Amuka nhasi, akunda."
5 Zuva iri izuva guru kwazvo mukati meGuta raVaJehova.
6 Tinokwira mugomo tichiimba tirimo kusvikira Gwayana riuye Mudivi .
7 Zuva iroro Matenga vakaburitsa vatumwa veDenga vakanga vauya kuzoona kumuka kwaJesu muGuta.
8 Zvino shoko raMatenga vakati,"Vamuka nhasi, nyika yadedereka, ikapenyerwa nhasi; kukunda uko."
9 "Ndafamba neDenga nenyika, nhasi zvakasungunuka."
10 "Dai Judhasi airoverera; iro ka basa riri pachena, akunda nhasi. Amen."