Guta Ra Jehova
Lesson 7

Kutumidzwa Kwebasa Mugomo

1 Basa ravo rose rakabva mugomo; rekutanga rinonzi Chivako, rakanzi neMweya"Sinai".

2 Ndimo makabva masimba avanoita nawo basa rose iri rinoshamisa kwazvo.

3 Gomo rechipiri zita raro rinonzi Chomuwuyu.

4 Asi rakanzi neMweya ihunde; ndimo makabva mabasa enziyo dzose dzebasa ravo, dzavakapihwa pakurwara kwavo.

5 Rekutanga Rwiyo 77,Rekutanga Rwiyo 77, "Ona Vanhu Vako Mwari .."

6 Ndirwo rwavakachemerera matambudziko evanhu vese.

7 Ndipo pakazouya Rwiyo 100,Ndipo pakazouya Rwiyo 100, "Ishe TaunganaTaungana", ndirwo rwakanzi ihunde.

8 Rwiyo 74,"Baba Ndiri Mwana Wako."

9 Ndorwavakachemerera matambudziko edu, nevasingabereki, nezvirwere zvakasiyana-siyana.

10 Rwiyo 16,"Hosana Vekudenga", rwevazere vasunungurwa.

11 Rwiyo 126, rwemapofu.