Kuyereswa Kweyunifomu paGuta
1 Pakati nerimweni zuva, masikati acho, pambopfekedzwa vamwe mbatya dzemweya, yunifomu.
2 Matenga vanotsanangura kwazvo nenzira yekupfekedzwa kwevarume nevakadzi, kuti vazive kuti vakapfekedzerwei mbatya idzodzo.
3 Anovataurira kuti izvi zvinotaureiko.
4 "Asi zvinoitirwa kuti musadzokere shure zvakare."
5 "Zvembatya idzodzi dzatoyereswa kwazvo pane zviro zvose."
6 "Kana muchaputa fodya, kumwa, kupomba, kuba, hazvidiwi muDenga muna Baba."
7 "Kana muchiri kuroya, kushora, kutuka, kuvengana, kana kutukana mumba, kana kuti kuvengana nehama."
8 "Idai hama dzenyu muratidze mabasa enyu kuhama dzenyu."
9 "Hazvidiwi muDenga kana mukatadza muine mbatya idzodzi."
10 "Watofarikira mirairo yaMatenga."
11 "Kana wakapfeka yunifomu, wotomboregedza kuipfeka."
12 Idzi yunifomu, vamwe vaiti vapfeka, madhimoni aibuda; kana ukanopomba nayo, wainzwa yunifomu iyoyo yopisa, hauchatoipfeki. Tichenjerei vanhu vaMwari.