Guta Ra Jehova
Lesson 62

Kuyereswa Kweyunifomu paGuta

1 Pakati nerimweni zuva, masikati acho, pambopfekedzwa vamwe mbatya dzemweya, yunifomu.

2 Matenga vanotsanangura kwazvo nenzira yekupfekedzwa kwevarume nevakadzi, kuti vazive kuti vakapfekedzerwei mbatya idzodzo.

3 Anovataurira kuti izvi zvinotaureiko.

4 "Asi zvinoitirwa kuti musadzokere shure zvakare."

5 "Zvembatya idzodzi dzatoyereswa kwazvo pane zviro zvose."

6 "Kana muchaputa fodya, kumwa, kupomba, kuba, hazvidiwi muDenga muna Baba."

7 "Kana muchiri kuroya, kushora, kutuka, kuvengana, kana kutukana mumba, kana kuti kuvengana nehama."

8 "Idai hama dzenyu muratidze mabasa enyu kuhama dzenyu."

9 "Hazvidiwi muDenga kana mukatadza muine mbatya idzodzi."

10 "Watofarikira mirairo yaMatenga."

11 "Kana wakapfeka yunifomu, wotomboregedza kuipfeka."

12 Idzi yunifomu, vamwe vaiti vapfeka, madhimoni aibuda; kana ukanopomba nayo, wainzwa yunifomu iyoyo yopisa, hauchatoipfeki. Tichenjerei vanhu vaMwari.