Guta Ra Jehova
Lesson 157

Musangano Wemasoja muGuta raVaJehova

1 Hareruya , Hareruya , Baba ngavarumbidzwe. Amen.

2 Ruwadzano rweVakomana mukati meGuta raVaJehova.

3 Yakati nguva yakwana yekuti zvinoitwa muDenga, zviitwewo pasi pano.

4 Zvino Baba vakashevedza vatumwa vemasoja emudenga kuti adzike pasi pano.

5 Zvirokwazvo vakadzika, vakasvikogara pamunhu mumwe nemumwe akanga akapfeka mukwakwa.

6 Vanodaro Baba,"Vadzika vakomana vehondo, vana mushambirakurwa."

7 Kwete masoja ekurwa panyama asi masoja ekukudza Musiki .

8 Zuva iroro, vatumwa vemasoja vakaburitswa.

9 Vakomana vatatu vakanga vakapakatira iyoyo mikwakwa mirefu, vaiva Muvhangeri Mhundwa, Nowa naJames, mushauri werwiyo rwemasoja.

10 Kuzoti vanhu vese vapfeka mikwakwa iyoyo mirefu, yakanyorwa chinyorwa chemuDenga: G. R. J. Ndaramu yeupenyu husingagumi, uri mufananidzo weropa raKristu.

11 Masoja iwaya akauya nemushonga wavo wainwiwa svondo nesvondo.

12 Vakauya nemoto wavo, wakaonekwa mumakomo tikazvionera tose.

13 Rinodaro shoko:"Revatumwa vemasoja ava vadzika iye zvino, muchenjere navo, vanhu vacho vane hasha."

14 Zuva guru reMugovera, zuva remasoja mukati meGuta raVaJehova.

15 Ndivowo vaiva mhombwe, mbavha, magandanga, vanyepi, varoyi, magororo, vamwe vaiva nedzingozi.

16 Asi nhasi vese vakasunungurwa naBaba; hupombwe huya, nehuroyi, nedzingozi dziye, zvikabviswa zvose.

17 Saka Baba vakaisa Mutumwa wemusoja pamunhu mumwe nemumwe, kuti ave anonunurwa paupenyu hwake.

18 Shoko rakati panofanirwa kuva nemureza, nepito, nengoma, hosho nemadoropito acho, zvinodikanwa kuvapo.

19 Zvose izvozvo zvikavapo, nekuti vanhu vaiziva kuti zvine upenyu husingagumi.

20 Zuva iroro rakatyisa chaizvo, denga nenyika zvikachinja.

21 Nerimwe svondo pakagadzwa mutumwa mukuru pamumwe murume akanga agadzira ngoma, akanzi ndiCharovanhumba, chavundura chikomborero Africa.

22 Yaiti ngoma iyoyo yorira, nehosho, nemadoropito acho, zvirokwazvo masoja iwayo aitamba, mikwakwa yavo yaifanana nevanhu vari pamabhiza.

23 Vachiimba zvakanga zvichityisa kwazvo; kwakanga kusiri kutamba kwavo, asi kutoti vakanga vatogarwa nevatumwa vemasoja.

24 Vakanga vachiimba chiimbo chavo,"Watakura kuipa Jesu, kusiri kuipa kwako."

25 Pakati nerimwe zuva ava manheru, kwakatinhira chiimbo chichiimbwa.

26 Zvino pakarepo vanhu vakaona chadzera chemoto waipfuta uri mugomo rekumabvazuva.

27 Rinodaro shoko, chakanga chiri Chita chevatumwa vemasoja.

28 Vakauya kuzogara pananhingi nanhingi kuti amuchengete paupenyu hwake neparufu.

29 Baba vakati,"Mikwakwa yemasoja kana mogara pasi musaibvisa pfinha, munoapeta pamakumbo enyu."

30 Zvaanofanira kuva nematsa marefu anoyeyedza.

31 Papi nepapi pairira ngoma idzodzi, zvirokwazvo nyika yaizunguzika, yaivhunduka muhana yemumwe nemumwe.

32 Hareruya , Baba ngavaropafadze mashoko aya emasoja nekusingaperi. Amen.