Guta Ra Jehova
Lesson 151

Varoyi Vanozviratidza Pachena muGuta raVaJehova. Pipi Guru

1 Akati mangwanani muGuta vanhu vapinda Mudivi , Matenga vakauya Mudivi .

2 Zuva iroro kwakaitika pipi guru risina kumboonekwa mukati menyika.

3 Kuti varoyi vanooneka masikati vachizviratidza kuti,"Isu tiri varoyi."

4 "Tinoroya vanhu tichivadya; takaroya vakati munyika."

5 Matenga vamire pamberi pevadzidzi varo rapedza kurapa, rikati,

6 "Woda kupona wopona; woda kuraswa woraswa; woda kununurwa wonunurwa iye zvino."

7 Pakarepo ndakaona Matenga vachisvetuka apa neapa, rizere nemasimba eDenga.

8 Richimhanyira kwakanga kuine vana Pitorosi, richienda kwakanga kuine vana Mariya.

9 Ipapo vanhu vazhinji vakabudirwa nezvifananidzo nemashavi akasiyana-siyana.

10 Zvifananidzo izvi zvaiva zveun'anga, ngozi dzevanhu vapenyu, zvehupombwe, nezveuroyi, nezvimwe zvizhinji-zhinji.

11 Ipapo vanhu vakanga vagarwa nemadhimoni euroyi vakatangisa kusimukawo.

12 Varoyi ava vakatangisa kubvisa mbatya dzavo, vakasara nezvemukati bedzi.

13 Pasina vakanga avaudza vachiti,"Nhasi tinoda kumuudzai maroyero atinoita."

14 Zvino vaifamba neDivi rose vachizviratidza vachitenderera.

15 Mukati umu maiti varoyi vevakadzi, mukati varoyi vevarumewo, nevana vadiki vose.

16 Vese ivavo vakanga vatogarwa nemadhimoni euroyi, vachiedzerera kuroya kwavanoita vanhu usiku.

17 Varoyi vavo vakanga vari gumi nevatatu zuva iroro.

18 Vanodaro Matenga ,"Waona izvi, wafunga zvipi mukati memwoyo wako iye zvino?"

19 "Nhasi mukunda nemukorore weAfrica, makambomuona kupiko muroyi anoroya nemasikati?"

20 "Hamushamiswi here nemabasa makuru anoitwa naBaba mukati menyika?"

21 Ichi chakava chishamiso chikuru kwazvo kune vanofunga.

22 Kune anenge azvipira ngedi pamberi paMatenga, uroyi hunobviswa chose naMatenga muGuta umu.

23 Kwete kune vaye vanoda kunyengedza, asi zvose zvinenge zviri pachena pamberi peGwayana.

24 Ndivo vaye vanenge vachionekazve naMatenga vachimuka koroyazve.

25 Kana vodurirwa nechiporofita vogumbuka, asi rinenge richitoitira kuti upone zvako.

26 Mwari haanyengedzwe; anoziva zvose, nechakahwandika zviri pachena kwaari. Amen.