Kubhabhatidzwa Kwevana vaMatenga muHarare, muHighfield
1 Pasvondo yemasikati pakauya zviuru nezviuru zvevanhu vakanga vauya kuzoona Basa raMatenga.
2 Zvino vanhu ava vakaona kubhabhatidzwa kwevana ivavo.
3 Kuzoti Matenga vauya, vakanga vakapfeka zvichena zvakanga zvakachena sechando.
4 Vasati varatidzwa vana ivavo, Matenga vakasimuka vakati,
5 "Ndiro Basa randakatumirwa munyika iri riri pamberi panyu."
6 "Ndivo vana vemhanje dzaitambura munyika, asi nhasi vana vemweya vasina mutengo."
7 "Bva vana ava vachaenda mukati menyika, vachabatwa nemaoko akabata zvizhinji munyika."
8 "Uye vachanosangana nematambudziko; zvose izvozvo ngazviropafadzwe naMatenga, nemukaka wavachanomwa."
9 Pakarepo Matenga vakatangisa kubhabhatidza vana ivavo.
10 Vana ava vakanga vari makumi maviri vane vana vasere.
11 Zvisina kumboitika munyika kuti vana vakawanda zvakadaro vanoratidzwa zuva rimwe.
12 Vana ava vaishevedzerwa kwakabva vabereki vacho, nemari yavakapambadza munyika.
13 Asi vakakwira vachidzika nenyika kwemakore akati kuti asi vakakundikana.
14 Asi vanzwa kuti kune iyeyu akauya mupa zvose, pasina mutengo, ndivo vaane mazamu avakamwiswa pachena.
15 Mukati mevana vakaratidzwa ava, maiva nemwana wemhanje yakagara gumi remakore nemakore manomwe asina mwana.
16 Mukadzi iyeye akanga atobviswa nechibereko asisina.
17 Asi asvika paGwayana akareurura bedzi, ndokuisirwa chimwe chibereko naMatenga akava nemwana.
18 Mukadzi iyeye akagezera makore matatu, rechina ndokuita mwana.
19 Akanzi zita rake ndiAda wekuNyasaland; akanzi ane ngundu .
20 Zvinhu izvozvi hazvina kumboitika munyika ipi neipi zvayo kuti mwana anogara zvakadaro achizozvarwazve.
21 Izvi zvinoratidza pachena kuti uyu ndiMwari wechokwadi, uye vana vemweya vanobva kuDenga.
22 Dai zvainga zvenyika vaifa vese, mai nemwana.
23 Ini ndinodaro nekuti zvinhu izvi handi zvekutaurirwa, asi munhu mumwe nemumwe akazvionera pachake.
24 Hama neshamwari ngatiisei mwoyo yedu pakadzama nguva ichiripo.
25 Kuzoti vapedza kufaidzirwa, ndakaona varume nevakadzi vakanga vaane miviri mitsva vachisimuka.
26 Pakarepo vakasimuka pamberi peMusiki wavo vachiimba vachiti,"Tine chipo chakakomba icho takapiwa naVaJehova."
27 "Ndichochi chiri kuita mabasa makuru akadai asina kumboitwa zve munyika."
28 Muhuwandu hwevanhu ava, vamwe vavo vaikwira mumiti kuti vanatse kuona Basa raMatenga. Amen.