Kudzoka kwaMatenga muGuta
1 Matenga vakati vava kudzokera muGuta, vakamira kachinhambwe kanokwana maira imwe.
2 Vanhu veGuta vakanzwa kuti baba vauya.
3 Vakaridza mhururu nenheterwa, vakamhanyira kunosangana navo.
4 Ipapo ndakaona vanhu vakabata mashizha kana kuti zvigurangu.
5 Vakanga vachitsvaira nzira, vamwe vachikanda mashizha pamusoro pemotokari yakanga iine Matenga .
6 Vamwe vaimburumbuka pasi vachifarira Baba wavo.
7 Motokari yaiva naBaba yaityairwa naChakanyuka Masiwa.
8 Asi Baba hope dzavo dzakanga dzichipenya chaizvo.
9 Vakati vasvika muGuta, ava mangwanani, vanhu vese vakapinda Mudivi ; Baba vakatangisa kurapa vanhu vese. Vakati vapedza kurapa, vakatarira mudenga, vakaona mweya yevatumwa ichigara pamunhu umwe neumwe.
10 Mweya yevatumwa iyi yakanga yauya kuzokwazisa Matenga ; pakava nerufaro.
11 Nekuti Baba vakanga vapedza tumazuva vasiri paGuta ipapo.
12 Urwu rwakava rwendo rwakatyisa nemwoyo wangu pabasa raBaba.