Guta Ra Jehova
Lesson 72

Kudzoka kwaMatenga muGuta

1 Matenga vakati vava kudzokera muGuta, vakamira kachinhambwe kanokwana maira imwe.

2 Vanhu veGuta vakanzwa kuti baba vauya.

3 Vakaridza mhururu nenheterwa, vakamhanyira kunosangana navo.

4 Ipapo ndakaona vanhu vakabata mashizha kana kuti zvigurangu.

5 Vakanga vachitsvaira nzira, vamwe vachikanda mashizha pamusoro pemotokari yakanga iine Matenga .

6 Vamwe vaimburumbuka pasi vachifarira Baba wavo.

7 Motokari yaiva naBaba yaityairwa naChakanyuka Masiwa.

8 Asi Baba hope dzavo dzakanga dzichipenya chaizvo.

9 Vakati vasvika muGuta, ava mangwanani, vanhu vese vakapinda Mudivi ; Baba vakatangisa kurapa vanhu vese. Vakati vapedza kurapa, vakatarira mudenga, vakaona mweya yevatumwa ichigara pamunhu umwe neumwe.

10 Mweya yevatumwa iyi yakanga yauya kuzokwazisa Matenga ; pakava nerufaro.

11 Nekuti Baba vakanga vapedza tumazuva vasiri paGuta ipapo.

12 Urwu rwakava rwendo rwakatyisa nemwoyo wangu pabasa raBaba.