Guta Ra Jehova
Lesson 141

Guta raMambo Jesu

1 MuGuta raMambo Jesu iGuta remasoja akapfeka mabhande matsvuku, mikwakwa yakanyorwa G.R.J.

2 MuGuta imomo ndimo munobva mabhande matsvuku mikwakwa, eRopa raKristu rakayerera pamuchinjikwa.

3 Rine mutungamiriri waro Charisi, uye iGuta rinotyisa kwazvo.

4 Kana wafa ukaendeswa muGuta raMambo Jesu, unoimbirwa,"Watakura kuipa Jesu kusiri kuipa kwako".

5 Ndiro Guta rizere masoja akashongera kurwa vakadzika munyika iye zvino.

6 Ndimo muGuta muzere nezviremba zveupenyu husingagumi.

7 Kana wazvipira pamberi paBaba, ivo Baba ndivo vachazokupinza muGuta iroro, Guta remasoja.

9 Zvose izvi unoitirwa kana wafa uri muGuta raVaJehova. Amen.