Guta Ra Jehova
Lesson 156

Huchapupu hwaNowa Pamusoro peBasa raMatenga

1 Hama dzangu, ini pamusoro peBasa raMatenga handina chekutaura, ndingatoti chete, takakomborerwa isu tose takanunurwa neruoko rune simba kubva munzvimbo dzakasiyana-siyana.

2 Muchitya tichiuya pano, nekuti kuuya pano haisiri nyore ba; zvinoda vane mazita akanyorwa paRugwaro rweRuponeso.

3 Zvirokwazvo irombo rakanaka rekuti maziso edu enyama aonane nechiso chaMatenga vachifamba netsoka dzavo panyika.

4 Uye tichiona mashura nezviratidzo zvavanoita nemaoko avo nemaziso edu.

5 Saka hama dzangu, ini pamusoro pekudiwa kwakadai, ngatichenjerei kurasikiswa nehupenyu, hwatakapiwa pachena.

6 Tizive kuti tine avo vatava kudana navo sehama nekuda kwaMatenga pakutenda.

7 Vaporofita vose, kubvira kuna Isaya, kusvikira kuna Maraki, nevadzidzisi vose, kuti vakanga vari panyika, asi maziso avo havana kumboona zvinhu zvakadai vachiri munyika.

8 Saka ini ndinoti Ishe vakazadzisa chirevo chemuimbi wavo vanoti,vakazadzisa chirevo chemuimbi wavo vanoti, "Ishe vakaburuka mudenga vakazova munhu kuvanhu.vakaburuka mudenga vakazova munhu kuvanhu."

9 Hama dzangu muAfrica, tose ngatichenjerei kupfuurwa nenguva iyi yatakapiwa pachena.

10 Tikazofanana nezvirema zvevarume nevadzimai vemazuva aNoa, vakazviratidza sevachenjeri nyamba zvaiva zvirema.

11 Akati nemazuva aya akanga afunga Baba kuda kuparadza nyika nekuda kwezvivi zvakanga zvanyanya.

12 Zvino netsitsi dzaBaba, havana kuda kuiparadza vasina kuinyevera, saka vakaita zano rekutuma muranda wavo Noa.

13 Kuti,"Enda unotaurira vanhu ava kuti vakai ngarava, nekuti ndiri kuda kuparadza nyika iyi nemvura."

14 Noa haana kudonha achibva kudenga; akatsaurwa mukati mevanhu, semunhu kuvanhu.

15 Vazhinji vakamuseka, vamwe vakamutuka, kana zvakange zvakadaro mukati mevanhu.

16 Asi vose vaiseka vaye, nekuda kwemashoko ekushora vaye, mubayiro wavo takazoudzwa, kunzi vose vakaperera mumurove.

17 Kukazouyazve vaIsraeri naMosesi, naMambo Faro; Faro aizvikudza, asingazivi kuti kune mumwezve kunze kwake, aifunga kuti iye ndiye Mwari .

18 Asi takazonzwa mubairo wekusaziva kwake, kuti iye nehondo dzake vakaperera munyanza nemvura.

19 Zvakadaro wo nemazuva ekuuya kweMwanakomana waMwari, Ishe Jesu, munyika.

20 Makanga makazarawo nezvirema zvaizviti tiri vachenjeri, kwaiti vaFarisi, kukati vaSadhusi, kozouya vafundisi nevaprisita; ndivo vakazomuroverera pamuchinjikwa.

21 Zvakadaro wo, isu maAfrica, ngatichenjereiwo mukati mekuchenjera kwedu.

22 Tione kuti hazvipesaniwo here naMwari?

23 Ko, mwoyo yedu irikuziva here kuti Mwari vakazotidawo netsitsi dzavo?

24 Asi ini hama dzangu, mwoyo wangu une huchapupu, kuti vaJehova chaivo vakaita kuda kwavo mukati meganda dema; handidaro kuti ndifadze vanhu kwete.

25 Ndinodaro nepamusana pebasa randakaona nemaziso angu ano.

26 Zvandinoziva hangu kuti kune vazhinji vachagumburwa nekuda kwezita iri rekuti Matenga .

27 Isu takaponeswa, tikanunurwa muzvizhinji, tisu tinoti ndiMwari wedu.

28 Nokuti ini ndakagara munyika makore akawanda, ndikasvika nedzimwe nyika; kana nevamwe vakuru varipano havadzizivi.

29 Ndikaona n'anga dzemarudzi nemarudzi, nemasangano akasiyana-siyana avanamati.

30 Asi handina kumboona simba nezviratidzo zvakadaro.

31 Ini ndakaona nemaziso angu ano: mapofu achisvinura, ndikaona mbeveve dzichitaudzwa, nematsi dzichinzwa, nezvirema zvichifambiswa, nevane mapere vachinatswa.

32 Nevetsviyo, nemapenzi achipfaviswa, nevematenda ekubuda ropa, uye nekuuchikwa kwemhanje dzemakore.

33 Mhanje idzi dzaipiwa vana pachena pasina mutengo, uye nekupfaviswa kwangu ini kubva muugandanga neugororo.

34 Hwandakaba vanhu nevanhu, ndisingateereri, ndiri tsotsi wematsotsi.

35 Masimba aVaJehova anondityisa; ini hapana asingandizivi mumadhorobha akasiyana-siyana pamusoro pekuipa kwangu.

36 Asi nhasi nesimba raVaJehova, ndakabviswa mumabasa aiita kuti ndigare mutirongo.

37 Zvino ini ndinoti iyeyu ndiMwari wangu akandibvisa mumatambudziko andakanga ndinawo munyika nekusingaperi. Amen.