Baba Vanodzoka Kubva Bulawayo Richiuya muGuta muJerusarema
1 Zvino yakati nguva yakwana yekuti ridzoke muGuta, mumusha wemweya.
2 Mashura nezviratidzo zvaitwa, ndakaona manheru iwayo nyeredzi huru kwazvo.
3 Yakasimuka pamusoro pemba yaMatenga ichienda kumabvazuva kuGuta.
4 Yakanga ichipenya, iine mitsara yakanga ichityisa kwazvo.
5 Rava remangwana acho, Baba vakatanga vaoneka vanhu vavo.
6 Zvino vanhu vakarongedza vakaenda kusiteshini kunokwira chitima.
7 Asi Gwayana rakaenda neNgarava yavo yakanga ichityairwa naMuvhangeri Chareka.
8 Maiva naivo Matenga , Mai Nyamushanya, Mai Chareka, Mai Mamvura, Mai Hudzi naMuvhangeri Mhundwa.
9 Vamwe vakanga vari kuuya nechitima; vanhu vashe, zvaityisa chaizvo kuimba kwavo.
10 Vasvika muHarare, Nowa aiti ashevedzera dhorobha rose rakazungunuka; vanhu vashe masimba aMatenga anoshamisa.
11 Hwai yakava nekuvashamisa kwazvo.
12 Hakuna chipfuyo chingagara nevanhu chichivatevera zvakadaro.
13 Varungu nevatema vakashamiswa kwazvo.
14 Kuzoti vakwira chitima, vakasvika maMutare vakaona bhazi raNkomo ravagarira, vakaenda muGuta.
15 Asi Matenga vakaenda nekuZimbabwe kunotura basa kuna VaJehova, richiti,"Baba, ndiro basa randakauya naro mukati meAfrica."
16 Vakadaro Matenga vanhu vaMwari.
17 Vasvika ipapo vakaita muteuro, asi pakatinhira zvikatyisa kwazvo.
18 Chishamiso apo Matenga rakanga riri muBulawayo, raiuya kuzotora masimba mudangari muGuta.
19 Vabva kuZimbabwe vakauya muGuta.
20 Vakati vasvika muGuta, Ngarava yaMatenga yakamira pamba pavo.
21 Matenga vakabuda riine masimba anotyisa kwazvo; vanhu vese vazadzwa nemasimba anoshamisa kwazvo.
22 Gwayana rakasvikobatana ruoko rwaMuvhangeri Nyamandura uyo akanga ari Johane, akange azere nemasimba eDenga.
23 Zvino akawira pasi, pakadzika chiedza chakatyisa chakabva kudenga.
24 Vatumwa vese vaitenderera mota yaMatenga.
25 Kuzoti remangwana acho, vanhu vaisimuka vachipupura nebasa guru rakashandiwa naMatenga muBulawayo.
26 Rwendo uru rwakatyisana nemwoyo wangu, vanhu vaVaJehova. Amen.