Guta Ra Jehova
Lesson 164

Kuonekwa Kwemuchinjikwa muGuta NaMatenga

1 Nguva idzodzo dzakanga dziri nguva dzainge dzichikosha chaizvo.

2 Pakati nerimwe zuva Matenga vakati,"Vana vangu, ndaona muchinjikwa uchiunzwa muno muGuta, asi urimuno vana vangu."

3 Zvino shoko remuchinjikwa iri rakanetsa munhu mumwe nemumwe mumwoyo make.

4 Saka Baba vaiti,"Kusaziva, munhu wekufa, vana vangu."

5 Shoko rabuda rikati,Shoko rabuda rikati, "Asi vana vangu ndashingaira chaizvo, asi vauya Mudivi .."

6 Asi nerimwe zuva Baba vakati,"Ndabva mugomo, ndaona vachibviswa."

7 "Asi vachiendeswa nekugeti vachitevera nzira yekutara."

8 Zvino vanhu vakapururudza, vakafarira kuti vabviswa muGuta, asi havana kuziva kuti zvinoreveiko.

9 Asi nguva yakanga iri kuswedera padiki nepadiki.

10 Matenga ngavakomborere mashoko avo nekusingaperi. Amen.