Guta Ra Jehova
Lesson 159

Matenga Vanotsiura Varoyi muGuta

1 Nerimwe zuva Matenga vakati muChita chavo,"Muri kudeiko pano? Kupona kana kusapona?"

2 Zvino tose takati,"Tinoda kupona."

3 Rikati,"Mungapona seiko kana paine kufungirana, shungu, ruchiva, makuhwa, kupokana, nekushorana?"

4 "Aninaani wamunoona achiuya kuNgarava uko anouya nematambudziko akewo, kwete kuti anorera Guta .."

5 "Nevese vane madhimoni ekuroya; asi imi moita zvekuvengana; asi varoyi havana chakanaka."

6 "Mainhuhwa nyama dzevanhu, asi nhasi makanatswa naVaJehova."

7 "Asi mondimukirazve hamuna kwenyu; maifanira kutyiswa."

8 Matenga vakati,"Ini handisiri wekutamba nechisiwka kwete."

9 Shoko rikati,"Mukaramba muchidaro hamuna nzvimbo yenyu mudenga, kana musingadi kukururwa zvazviri."

10 Rikati,"Nebasa rino harimbozororwi; kudai ini ndopfuudzwa munyika neHingirandi, wangazvizwe kuti wapfuura."

11 "Hapana akauya kusunga mikwende asingazive mitemo isingadiwi pasi rose."

12 "Vanoziva kuti kuba, kuroya, kupomba, kuputa, kunwa, kuuraya, nezvizhinji zvakadaro hazvidiwi."

13 Rikati,"Munoda here kuti nhasi ndimusimudzei kuti iwe nhasi wadya nyama yemunhu kumarinda?"

14 "Zvizhinji zvamunoita asi ndinomunyarai vana vangu."

15 "Inga wani makanga mauya pazororo, nhamo yose yakanga yapera."

16 "Makanga makodzereswa naBaba mukaitwa vana vakanaka. Tarisa Dheuteronomio 8: 10–15 nepa 19–20."

17 Chinhu chidiki kwazvo, kune vanodavira nemwoyo yavo yese kubviswa uroyi.

18 Pakaratidzwa varoyi vakabviswa huroyi, vava kurarawo zvazviri mudzimba dzavo.

19 Ivavo vakasimuka vakazviratidza muvanhu Mudivi .

20 Asi ivavo vachine shungu pamwoyo kuti ndihwo umambo hwavo havana kumbosimuka.

21 Saka tose ngatichemererei kutadza kwedu kuti Matenga zvichida vangatinzwira tsitsi.

22 Nekusingaperi. Amen.