Kuuya Kwechigurangu muGuta raVaJehova
1 Kuita kwaMatenga kunoshamisa kwazvo, kuti chinhu chinoshandiswa kudenga isu tochishandisawo tichiri pasi pano.
2 Rakanga riri zuva remangwanani muGuta, vanhu vakanga vabva mugomo umo vakanga vakwidzwa naMatenga.
3 Takati tadzika tichitenderera Chigaro cheUpenyu.
4 Pakanga paine mumwe mukadzi aibva kuChipinge, vakanga agadzira chigurangu asingazivi kuti ndizvo zvakaita zvigurangu zvekudenga.
5 Chigurangu icho chakanga charukwa nemurara.
6 Mukati mekutenderera umu, Gwayana rakanga raona zvaro kare.
7 Matenga vanoti,"Tagara muzvigaro zvakagadzirwa naIvo Baba."
8 Anoti,"Nhasi kudenga kune mushingashinga nguva dzose."
9 Pakarepo Gwayana rakati,"Zvigurangu zvekudenga munozviziva here?"
10 Zvino hapana munhu akaziva kuti chigurangu chii.
11 Nekuti zvakanga zviri zvekudenga; tose takanga tiri vanhu venyama, hapana munhu akanga achiziva nezvekudenga.
12 Matenga vakati,"Mwanangu, simuka undipe chigurangu chawauya nacho muruoko rwako."
13 Ipapo Baba vakati,"Vatumwa veDenga vauya chaizvo nekuti vaona chigurangu ichi chemudenga."
14 "Chizere mumaguta akasiyana-siyana ekudenga."
15 "Ndizvo zvigurangu zvemumaGuta ese ekudenga."
16 Zvino Matenga vakaburitsa vatumwa veDenga vakanga vachibabama Mudivi imomo, vachitenda nekuuya kwechigurangu muGuta.
17 Kuzoti vatumwa vagara pasi, Gwayana rakati,"Mwanangu, zvino unovarukira here vatumwa vese ava?"Akatenda kuti anozviita.
18 Zvino akaenda kumusha kwake akanoruka zvigurangu zvizhinji-zhinji.
19 Kuzoti auya nazvo, vanhu vaipihwirwa pamba paMatenga.
20 Kuzoti Gwayana ririkutsigira rinoti,"Zvinovhurwa naBaba zvinoshamisa chaizvo."
21 "Zvinhu zvinonovhurwa naBaba izvo ndakanga ndisingafungi, asi nyasha dzaBaba dzinoshamisa.dzaBaba dzinoshamisa."
22 Kune vanofunga vakati uyu ndiMwari.