Matenga Vanosvika kwaZimunya
1 Matenga nevanhu vavo vakauya munyika yaMambo Zimunya, vachibva vari kwaMurehwa uko vakanga vanyimwa nzvimbo naMambo Mangwende.
2 Vakati vasvika muMutare, vakaramba vachipfuura vachienda kuna Mambo Zimunya uyo vakanga atsidzira kuti chichemo chavo chichanzwikwa.
3 Zvechokwadi chakasvikawo.
4 Vakati vasvika manheru, vakaonana naMambo Zimunya.
5 Matenga vakati kuna Zimunya,"Ndingaonawo here nzvimbo munyika yenyu yekuti ndiitire basa raMwari?"
6 Mambo Zimunya vakati,Zimunya vakati, "Iri shoko ndarinzwa; iwe neni toenda tose kunoona Ngosi yemuMutare nekuti tinotongera pamwe chete.yemuMutare nekuti tinotongera pamwe chete."
7 Kwakati ari mangwanani eMugovera vakasimuka vese nemotokari vakaenda kunoona Ngosi yeMutare.
8 Vasvika pahofisi yaMudziti.
9 Ngosi yakabvunza ikati,"Uri kudeiko pano pahofisi?"
10 Mambo vakati,vakati, "Ndauya, nekuti ndaona Matenga vachiti, 'Ndingaonawo here nzvimbo, yekuitirawo basa raMwari munyika yako?'vachiti, 'Ndingaonawo here nzvimbo, yekuitirawo basa raMwari munyika yako?'"
11 Mambo vakati,"Saka ndauya pano pahofisi."
12 Ngosi yaona Matenga yakafarira chaizvo ikati,"Zvakanaka, ngaaende anozvitsvagira paanodira napo."
13 "Kwete kumutsvagira, ivo Matenga ngavatsvage apo pavanoda kuti Mweya uite basa ravo vega.ngavatsvage apo pavanoda kuti Mweya uite basa ravo vega."
14 Vanzwa kutaura kweNgosi, vakadzokera pamusha paMambo Zimunya zuva iroro.
15 Rava remangwana, vakasimukazve naMambo nemachinda avo, Matenga nevanhu vavo, vakaenda kunotsvaga nzvimbo yekuti Matenga vaitire basa.
16 Vakafambafamba vachitsvaga nzvimbo nenyika yaZimunya.
17 Asi Mweya wega wakatungamira, ukatsvaga wega nzvimbo, yakanga yakasarudzwa naMatenga.
18 Vakasvika panzvimbo iyoyo.
19 Motokari dzikamiswa, zvikanzi,"Ndipo apo pada Mweya kuti uitire Basa raMatenga."
20 Ishe Nyakunu akaridza pfuti katatu, kuratidza kuti wauya Umambo hwaMwari; munyika yaZimunya hwatambirwa Umambo hwaMwari.
21 Vanhu pamwe naZimunya, vatambirwa Umambo hwaMwari. Matenga vakadzokazve kumba kwaMambo Zimunya.