Kuonekwa kwaSatani muGuta, Pipi Guru
1 Zvino yakati yasvika nguva yekukura kweBasa raMatenga, vakabudisa pipi guru kwazvo.
2 Rakati raona kuti vanhu vari kutenda mashura nezviratidzo.
3 Vanhu vakaungana vazhinji-zhinji, vese nevemumadhorobha akasiyana, vakauya vakaungana muGuta, nekuti vaida kuponeswa naMatenga.
4 Ipapo Matenga vakati vaona kuwanda kwevanhu vavo, Matenga vakamira pakati pavo vakataura kuvanhu vavo kuti,"Muri kuedzwa naSatani"; zvino vanhu vakanga vasingazivi kuti Satani anoedza vanhu seiko.
5 Zvino Matenga vanoti,"(Pitorosi naMariya)", uko ndiko kuti varume nevakadzi.
6 "Munoziva here kuti mambo wezvivi ari muno nhasi?wezvivi ari muno nhasi?"
7 Vanhu vese vakati,Vanhu vese vakati, "Matenga , hapana chatinoziva nekuti tiri venyama; tinoteerera zvinobva kwamuri chete imi., hapana chatinoziva nekuti tiri venyama; tinoteerera zvinobva kwamuri chete imi."
8 Ipapo Baba vakati,Ipapo Baba vakati, "Vana vangu, tarirai, ndichatora mumwe mukomana mukati menyu auye pano pamberi panyu, ndipinze Satani mumwoyo make ataure nepaari.mumwoyo make ataure nepaari."
9 "Nekuti akakumbira kwandiri kuti aone Basa raMatenga nekuti rakura chaizvo."
10 Mukomana iyeye akagara pasi akatwasanudza makumbo nemaoko ake.
11 Baba vakadaidzira nezwi guru vachiti,Baba vakadaidzira nezwi guru vachiti, "Mambo wezvivi, uya upinde pane nzvimbo iyi!wezvivi, uya upinde pane nzvimbo iyi!"
12 Ipapo Satani akauya akapinda mumwoyo make, achibva ataura paari.
13 Hamutende here kuti iri pipi raBaba rinotyisa zvikuru?
14 Mukomana uyu agarwa naSatani, uso hwake hwakapinduka.
15 Pakarepo akamira pamberi pevanhu, akati,Pakarepo akamira pamberi pevanhu, akati, "Nyararai mose! Ndinokuudzai kuti ndini mambo wezvivi pachangu.wezvivi pachangu."
16 "Ndakapiwa nyika yangu ini yandinotonga ndega, ihuru kwazvo."
17 "Asi nyika yangu iyoyo ndeye moto wega bedzi."
18 "Yine vanhu vazhinji-zhinji, zviuru nezviuru, mazana nemazana evanhu varikutsva."
19 "Ndine vatumwa vanguwo vandinopa basa rekusandura vanhu vanenge vachitsva neforogo dzesimbi."
20 "Zvino ini ndinotya uyu uripano apa, nekuti ndiye anesimba guru."
21 "Ndine vatumwa vanguwo ndivo vanoita kuti musafunge kunamata, vachimurunzirai mumabasa akaipa."
22 Zvino Baba vakabvunza vachiti,"Ndiudze mabasa ako ese aunovaitisa"; ipapo Satani akati,"Ndikataura vanhu vako vanozochenjera."
23 Ipapo vanhu vakaseka vachiti,"Taura zvako."
24 Baba vakati,"Taura zvose izvo zvaunoita kuvanhu vangu."
25 Ipapo Satani akatya zvikuru akati,"Pano pane vanhu vanopenya zvikuru."
26 "Kana naBaba handitarisani naye nekuti anopenya chaizvo."
27 Ipapo Baba vakabvunza kuti,"Vanhu nyi vaunotonga iwe?"(Asi iye Baba vachiziva zvavo, asi vaiitira isu kuti tizive).
28 Satani akati,"Vanhu vandinotonga ndivo vaya vanoshaya nzvimbo muJerusarema rekudenga."
29 "Ndivo vaya vanoba, vanopokana, vanoroya, kupomba, kuchiwa, nekuita zvisakarurama zvose."
30 "Hakumbodikanwi nechitema chimwe zvacho, hazvimbodikanwi."
31 "Kuone vanoita zvakadaro, ndivo vaya vanonoraswa vachiri pasi pano vasati vafa asi vachiri vapenyu."
32 Satani anoti,"Ndivo vandinozokandira mugomba remoto, ndichivapisapisa miviri yavo."
33 Zvino Baba vakati,"Mazvionera mese?"; vese vakapindura vachiti,"Tazvionera nemaziso edu tose."
34 Baba vakati,"Vana vangu, handisisiri munhu kwete, asi ndiri iye akabva muMusha; kuone anotenda mashura nezviratidzo izvi zvamuri kuona kuti ichokwadi iri, anopona chete."
35 "Kana usingatendi Matenga hapana kupona kwauri; chako kuraswa muna Satani , kana kuti uri mwana waSatani chete., kana kuti uri mwana waSatani chete."
36 Iri ipipi harisati rakamboitika munyika; saka zvinotyisa nevanemwoyo wangu, vanhu vaMwari.
37 Chizivai nhasi kuti uya ndiani anoita izvi? Akabva kupiko?