Kuponeswa Kwevanhu
1 Kwakauya varume vakanga vasingabereki nevakadzi mhanje dzakagara makore dzisina vana.
2 Ava vanhu vairapiwa neruoko chete, zvinhu zvisina kumboitika munyika; vakava nenhumbu.
3 Vamwe vakava nevana nekushingirira, vazhinji chaizvo.
4 Nekuti vakachengeta mirairo yaMatenga.
5 Vamwe havana kusimbirira, vakazvidza nekudarika mirairo yaMatenga, asi vakashaya chiyamuro; vamwe vakadzokera shure.
6 Ndivo vaya vanotaura kuti hakuna ruponeso .
7 Ko, vamwe vakaona seiko ruponeso ?
8 Asi iwe wakabvapo, nekuti wakanga usina kuchengeta mirairo yacho inodiwa.
9 Nekuti wakada kupona uchine zvivi.
10 Ko, ungaponeswa seiko?
11 Iwe uchiri kuda zvenyika, zvinorambwa naMwari.
12 Taura chokwadi hama dziponewo.
13 Vamwe vakapfuma; usazonamata mifananidzo, hazvidiwi, Bhaibheri rinodaro.
14 Mukati memhanje zhinji idzi, mune vamwe vakabviswa zvibereko muzvipatara, asi zvino vauya paGuta reRuponeso vatova nevana nenzira yaMatenga.
15 Varume vakanga vasina kumbobereka kana kufunga nemukadzi wavo nenzira yekuhura, asi vava varume.
16 Nevachena vakanga vasina vana kwemakore mazhinji, vakabereka nenzira yaMatenga.
17 Varume vakanga vasingabereki vakazouya vanzwa, pasina avadaidza.
18 Chinhu chikuru chakadaidza vanhu ivavo rudzi nerudzi; ndimi nendimi dzakauya kuzoponeswa.
19 Vakarasa zvose zvakaipa zvavo, vakachengeta mitemo yaMatenga.
20 Asi kune vaiuya nehosha dzakurisa.
21 Asi Matenga vakatarisa munhu iyeye, vakati anofa anofawo; akanzi haana kupedza kureurura; kuti akazoreurura zvose, anopona.
22 Anenge asina kupedza kureurura, kuti afa munhu iyeye, anotozodzoka rava dhimoni, oreururazve zvaakasiya.
23 Asi hazvichabatsiri chinhu; wafa, wafa; kunze kweguva hakuna munamato , ndozvakaita vamwe paupenyu hwavo.
24 Saka tinofanirwa kugwinya, vanhu vaMwari.