Guta Ra Jehova
Lesson 104

Upamhi Hwebasa raBaba muBulawayo

1 Vanhu vaMwari, upamhi hweBasa raMatenga muBulawayo rakatyisa zvikuru kana varirangarira.

2 Tine mhosva pamberi paVaJehova kana tisatevera mirairo yaBaba.

3 Zvino ndakaona vachena nevatema vachibatwa neruoko rumwe chete, rwakanga rusingasarudzi, nekuti rwakanga ruri rwaVaJehova.

4 Ruoko irworwo rwaiti kana rwabata muchena kana mutema, kana paine shavi kana dhimoni raibuda pakarepo.

5 Mukati mekushanda basa iri, makauya zviuru nezviuru zvaiuya kuzoona.

6 Mukati mavo makapinduka vazhinji kwazvo avo vaidavira kuti uyu ndiVaJehova.

7 Asi vaya vachakagarwa nemweya iya yakaipa vakasara vakadaro.

8 Vanhu vakabatwa pamusoro neruoko runoyera vanhu vatema vakakwana mazana masere anemakumi maviri nevashanu (825).

9 Varungu vachena vakabatwa pamusoro neruoko runoyera vakakwana zana rine makumi mashanu nevasere (158).

10 Asi mukati mavo, vasere (8) vakanga vari vafundisi vevarungu vachena.

11 Mukati mevachena umu, vafundisi vatatu (3) vakabatwawo nemadhimoni.

12 Vamwe varungu vakabatwawo nemadhimoni.

13 Vanhu vakapfekedzwa mabhande ekudenga vakakwana zana rine makumi matanhatu nevaviri (162).

14 Vakatenda zvavakaitirwa naMatenga, kununurwa paupenyu hwavo, vakakwana makumi maviri anevasere (28).

15 Mukati mekutenda umu, mai vane vakadzi vasere vakanga vasingateveri; asi waiswa ruoko runoyera pamusoro, vakatangisa kuitawo vadzimai.

16 Vhiki yekutanga pakauya vanhu vanokwana zviuru zvina zvine mazana mashanu (4,500) evanhu vatema, varungu makumi matatu anematatu (33).

17 Vhiki yechipiri pakauya vanhu vanokwana zviuru zvisere (8,000) zvevanhu, vachena makumi matanhatu vane vapfumbamwe (69) riri zuva reSvondo.

18 Mumwe wevarungu ava akabva East London akarapiwa chirwere chake akabva apona.

19 Akafunga mukadzi wake akanga afa, akati,"Dai ndakaziva kare ndakauya naye pano, angadai ari mupenyu."

20 Varungu ava vaishamisa kwazvo; vaiti kana vonamatirwa navo vainamatawo, kuratidza rudaviro rwavo pamberi paMatenga.

21 Vanhu veBulawayo vakanga vagadzirira kudya kwevanhu kwakakwana chaizvo.

22 Mr. Gondo naMr. Maseko nevamwe veChita cheikoko vakashanda basa guru kwazvo.

23 Saka rakadaro Gwayana ,"Uku sandi kushanda kwavo vega, asi vakanga vakatogarwa nevatumwa veDenga."

24 Vakanga vagadzira masaga eupfu mazhinji-zhinji, mombe shanu, hwai nhatu, mbudzi mbiri, huku gumi, nesaga reshuga nezvimwe zvizhinji izvo ndisina kunyora.

25 Mwoyo wangu wakadzamirwa ndikati,Mwoyo wangu wakadzamirwa ndikati, "Zvavo vaakushandira Mwari wavo zvazviri, vanhu vaMwari.wavo zvazviri, vanhu vaMwari."

26 Vanhu ava vakanga voshanda vaine mwoyo mumwe; zvavo vakakomborerwa voziva kuti uyu ndiMusiki. Asi Makona nemishonga yakasiyana-siyana yaipiswa neN'anga dzeGuta, James naBeta.