Kutorwa kwaMatenga Usiku muGuta
1 Kutorwa kwaMatenga muGuta kwakanetsa mwoyo yevanhu vazhinji-zhinji chaizvo.
2 Sezvo pakanga paine shoko riye rekuti Matenga havasaimbozosimuka muGuta vasina kumbooneka Guta ravo.
3 Zvino paivawo nevamwe varume nevakadzi vakarangana kuti,Zvino paivawo nevamwe varume nevakadzi vakarangana kuti, "Tinofanira kutora Matenga tiende navo kune imwe nzvimbo.tiende navo kune imwe nzvimbo."
4 Vakati varangana, varume ava vaiva Chagaresango, Chiweshe, Baba VaNhamo, nevamweni vavo.
5 Vakanga vakawandisa chaizvo, uye varume ava vakasunga chisungo chavo chakakomba chaizvo, asi Guta rose harina kuziva.
6 Kana naMambo Zimunya haana kuziva kwete kuti chinyi chichaitika pazuva iroro.
7 "Saka pakasvika rokutanga ndipo pachatsika reshure,"vaidaro Matenga .
8 Vakati vauya varume ava kutora Matenga , vachibva Chinhoyi, vamwe Highfield, Harare; vamwe vavo vakanga vari muGuta.
9 Zuva rasvika, vakauya neusiku nemotokari dzavo.
10 Asi vanhu vese vakanga varere muGuta; vazhinji vavo hapana vaiziva kuti Matenga vachaenda.
11 Vakaenda kuNgarava yaMatenga, vakataura naMutumwagomo, vakatora Matenga .
12 Dzakanga dzava nguva dze 1 o'clock pakati peusiku musi weChitatu 9th November 1960.
13 Vabvisa Baba muNgarava yavo, vakavaendesa mumotokari iyo vakanga vabva nayo.
14 Vakavatora vakavaendesa kuHighfield, vakapfuura vakavaendesa kuChinhoyi, kwaZvimba, paimwe purazi panonzi paChashamba.
15 Asi Guta rose harina kuziva kuti Matenga vaenda nhasi usiku.
16 Wakatozoti ava mangwana acho shoko rafamba-famba muGuta kuti Matenga vakatorwa nezuro usiku.
17 Zvino vamwe vanhu vaenda kufamba-famba vachitevera Matenga , vakasvika nekuHarare, Highfield, neSipolilo, vaiva neJipi yaMatenga iya.
18 Kuzoti vadzokazve, shoko rikati,"Vakaenda kuChinhoyi."
19 VaSekuru Nyamandura, naMukoma Beta, Noa nevamwe vakatambudzika vachitsvaka.
20 Kuzoti vanzwa kuti Matenga vari apa, asi Jipi yavo haina kubvumirwa kusvika ipapo.
21 Asi ivo vakatozobvumirwa kusvika ipapo vakaona Matenga .
22 Asi vamwe vakazotandwa ipapo, sezvo varidzi venzvimbo vakati havafanirwi kugara ipapo.
23 Baba ngavaropafadze aya mashoko avo nekusingaperi. Amen.