Guta Ra Jehova
Lesson 110

Muchato Wejaha Nemhandara muGuta raVaJehova

1 Basa guru rakabva naMatenga kubva kudenga rotyisa chaizvo kana nekutoritsanangudza vanhu vaMwari.

2 Mwana waChakanyuka akava nekuchata svondo iroro, pabva kuitwa mashura nezviratidzo.

3 Baba vakati,"Paita muchato nhasi; zvino muchato uyu ndewe muJerusarema."

4 Zvino vanhu vakatanga kuimba,Zvino vanhu vakatanga kuimba, "Jerusarema Musha Wangu, Musha Wakanaka.Musha Wangu, Musha Wakanaka."

5 Akati ava masikati, akachatiswa naMatenga kuzadzisa mashoko ekudenga.

6 Ava masikati acho vakauya Mudivi vakapfeka mbatya dzemuchato.

7 Chishamiso mukati mevana veAfrica.

8 Vakachata vasina sutu, asi vakanga vakapfeka makaki nebaneri, mbatya yomuJerusarema, kwete sutu.

9 Vaperekedzi vaiva Beta naRozi.

10 Kuzoti vauya Mudivi , Gwayana rakauya rikati,

11 "Mwaroora here? Muchato wejaha nemhandara; varopafadzwa vachata zvavo vari muGuta."

12 "Vana vakanaka, vakateerera mirairo."

13 "Kwete kuchati; mumba mwana wamukadzi mukuru, wakatapudzwa ropa nevakomana."

14 "Mukomanawo wonhuhwa gwema revakadzi."

15 "Onai vana vakateerera mirairo yaMatenga munyika."

16 "Havana kufa kunyadzisa vabereki vavo kwete."

17 "Baba naMai wacho vava kudya chuma vachiziva kuti mwana wedu akakwana."

18 Pakarepo Baba vakati,"Ndaveneka muJerusarema ndikaona varimo varikuvaka chaimomo."

19 Baba vakati,"Ndine mwenje wekuvheneka zviri kudenga nezviri pasi pano."

20 Zvino vanhu vaMwari, zvinhu izvi zvakava nekundityisa kwazvo.

21 Vakazokanda zvipo zvanyamuchatiswa, rasimuka raenda zvaro kungarava yaro.

22 Kuzoti rava remangwana acho, Baba vakauya Mudivi , vakati,"Maona here muchato wakaropafadzwa naBaba?"

23 "Wakagadzirirwa chipikirwa , vakapiwa., vakapiwa."

24 "Vakanga vaine vatumwa vakageza maoko avo vakavachingamidza."

25 Izvi zvakaratidza chokwadi chaMatenga munyika.

26 Vakanga vachitambira vachipembera muchato wemuJerusarema.

27 Vakaropafadzwa zvavo vakachatira muGuta vachiona Mwari wavo. Muchato wakatyisa Guta rose; chikomborero, Africa takanga tadiwa. Amen.