Guta Ra Jehova
Lesson 146

Musangano Wekuroverwa KwaMambo Jesu muGuta PaEaster

1 Musangano wekuroverwa KwaMambo Jesu paEaster wakatyisa kwazvo.

2 Makanga makaungana zviuru nezviuru, mazana nemazana evanhu muGuta.

3 Mangwanani tafumamuka, takatenderera neGuta rose, tikapinda Mudivi .

4 Zvino shoko rekushambadzwa kweMwanakomana rakanga richiparidzwa zvaityisa kwazvo.

5 Matenga vakauya Mudivi vakapfeka nguwo tsvuku dzakanga dzichityisa kwazvo, dzeropa.

6 Zvino vasimuka vakati,"Nhasi vatumwa veDenga vauya kuzochema Jesu."

7 Pakarepo Matenga vakati,"Jobho auya nevatumwa vazhinji."

8 Ipapo ndakanzwa chahwenga nemutinhimira wevatumwa vakanga vachiti,"Mamurovererereiko?"

9 "Ingawani akaponesa vanhu vazhinji: mhetamakumbo, varoyi, vaipomba, zvirema, mbeveve, zve, aimutsa vakanga vafa."

10 "Ingawani akanga aine tsitsi,"rinodaro shoko reGwayana.

11 Zvakadaro hama dzangu, isu takaitirwa zvizhinji naMatenga.

12 Takaponeswa mukupomba, mukuba, mukuroya, mukuuraya, nemamwe mabasa makuru atakaitirwa naMatenga.

13 Zvino tisu tinorovera Matenga pamuchinjikwa.

14 Saka muchiona vasina zororo mukati meAfrica.

15 Yanga yava nguva yako, mukorore weAfrica, yekuisa mwoyo wako pakadzama iye zvino.

16 Nguva dzinotyisa dzakadai dzaifanira kuonekwa nevane zvigaro zvikuru mukati menyika.

17 Asi isu takaropafadzwa kusangana neizvi tichiri vapenyu. Amen.