Vanotanga kuSvika paGuta
1 Kubvira kuGuta ravo kusvikira paGuta idzva reMaZimunya.
2 Kunoti munhu asvika pagedhi reGuta anotura mitoro yake pasi.
3 Anoona varume vaviri vagerepo nemapurisa avo.
4 Anovaudza zvaanenge achida muGuta imomo.
5 Kana ari kubvunza chete asingareururi.
6 Zvaanenge ataura zvinotakurwa nemapurisa eGuta, kuti zviendeswe kuvabati veGuta.
7 Anozoitirwa zvaanoda sekutaura kwake, odzoka zvake chete.
8 Kana ari wekureurura, anoona mabarani vaviri, mukuru nemudiki.
9 Achitaura zvaakatadzira Mwari munyika achiri mupenyu.
10 Kubvira paupwere hwake kusvikira paukuru hwake, zvaanenge akatadzira Mwari vake.
11 Asi mutemo unoti kana wareurura, usazodzoka zvemumabasa aawakanga uchiita.
12 Pamwe unozodzokererwa nekurwara zvikuru kuhosha yako iyoyo yawakanga uchirwara.
13 Nekuti unenge wadzokererazve muzvivi zvako zvisingadiwi paGuta raJehova.
14 Kana ukafa wakatadza zvekechipiri usati waona Matenga , mugumo wako kufa, saka ndivo vaya vanozomuka vava madhimoni chete.
15 Nekuti ndivo vanesimba rekuregerera zvivi zvevanhu.
16 Nekuti ndivo vanesimba rekuti,"Varegererei havana chavanoziva,"kabva Baba netsitsi dzavo woregererwa.
17 Pane vanopokana pane izvi, kuti,"Imi hamusiri mandiri neni hamusiri mamuri."
18 "Saka vese vakaropafadzwa vanotenda pipi randinoburitsa.randinoburitsa."
19 "Saka ndivo vachaenda mumusha munodyiwa uchi nemukaka nehurukuru chete."
20 Ngatireururei pachokwadi tipone tese vanhu vaMwari.
21 Shure kwekupedza kureurura zvivi zvavo zvose.
22 Kuzoti rava remangwana, vanouya Mudivi , anenge ari mangwanani Matenga varimo, munenge muchiimbiwa Rwiyo 100varimo, munenge muchiimbiwa Rwiyo 100 "Ishe TaunganaTaungana".
23 Vanenge vakaita raini vachipinda Mudivi imomo, muchiimbwa hurukuru chete.
24 Matenga vovabata misoro yavo vese, vanonembwa mucherechedzo pahuma dzavo vese, vachiti,"Munhu wenyu uyu WaJehova panyama nepamweya."
25 Kana wogara muupenyu hwako nguva ipi neipi, usadarikira mirairo yaMatenga.
26 Kunodikanwa rufaro nehurukuru chete; kunodikanwa zverufaro muGuta; kana ukaenda zvako kumusha, ida hama yako iwe sekuzvida kwaunozviita iwe.
27 Ndiko kuchengeta mirairo yaMatenga, vachitya Mwari nemirairo yavo yese.
28 Zvino kana vapedza, wopiwa imba muGuta nevabati veGuta.
29 Saka nemuDenga hamupinde chakaipa kana nechidiki zvacho.
30 Uyo anotadza mukati meGuta, inga igororo nemhondi, anozoraswa kunze kweGuta.
31 Kunozova kuchema nekugedageda kwemazino.
32 Nekuti hakuchina achamutungamirira nzira yeupenyu.
33 Saka vazhinji vakada kupona panyama chete, vasingadi kupona pamweya, sevamwe vari kushingaira siku nesikati.
34 Kune vakadarika mirairo yaMatenga, kufanana naJudhasi akadarika mirairo yaJesu. Tarisa Ruka 22: 3-6.
35 Nekuti akanga afambira chakaipa.
36 Akadudzirwa chakaipa kuti,"Mumwe wenyu anoda kundishambadza,"akagumbuka ndizvo.
37 Saka nanhasi kune vamwe vanoti vadudzirwa zvivi zvavo naMatenga vogumbuka.
38 Ndivo vaya vanoda kunamata nekwenyama kwete kwemweya.
39 Nenzira yekuda kudarikira mirairo yevakatumiwa chete.
40 Munda hauzokupi zviyo kana usina kubuda dikita.
41 Zvakadaro naMwari; hanga kupikana vachiedza zita rake, usina chokwadi mukati memwoyo wako.
42 Ukashamwaridzana nechakaipa, unofa muchiri.
43 Izvi ndizvo zvakaita Judhasi, haana kuzotambirwa mudenga.
44 Nesuwo hapana angapinda mudenga, kana tichine pfuma yezvivi.