Guta Ra Jehova
Lesson 96

Musangano WeEaster muGuta raJehova

1 Musangano weEaster wakanga warumbidzwa naMatenga.

2 Zvino svondo iroro risati rasvika, Matenga vakati,"Ndaona vanhu vachisimudzwa naBaba zvakanyanya kwazvo munyika."

3 Vhiki iyoyo ndakaona zviuru nezviuru, mazana nemazana vachiuya kuzotamba Easter mukati meGuta raVaJehova.

4 Vanhu vese ava vakanga voziva chavanofambira nekuti vaiziva kuti umu muna Mwari wechokwadi.

5 Zuva rekuroverwa kweMwanakomana weMunhu pamuchinjikwa, takafuma kumuka.

6 Kuzoti tava Mudivi , Matenga vakauya, rikarapa, asi rakanga rakapfeka nguwo dzeropa dzakanga dzichityisa kwazvo.

7 Matenga vapedza kurapa vakati,"Kuone une hai nenyota yekureva shoko woreva."

8 Pakanga paine mutinhimira wakanga uchityisa kwazvo.

9 Zvipfeko zvevanhu ava zvakanga zvichiratidza kuti vanhu ava vari mukati meropa.

10 Nerwiyo rwavakanga vachiimba rwekuti,"Watakura kuipa Jesu, kusiri kuipa Kwake."

11 Zvairatidza kuti Matenga vakatakura kuipa kwedu isu muAfrica, kusiri kuipa kwaRo.

12 Matenga vakasimuka vakati,"Nhasi zuva iri mose munoriziva."

13 "Ndiro zuva ratambanudzwa Murumbwana weMunhu, akaroverwa pamuchinjikwa."

14 Pakarepo Matenga vakati,"Nhasi izuva raJesu raari kuturikwa pamuchinjiko."

15 Matenga vakati,"Vatumwa veDenga vauya zvakanyanya; vauya kuzochema Jesu iyezvino."

16 Zvino Ishe Jesu vakuchemiwa nevatumwa veDenga vakadzika munyika.

17 Matenga vakasimudza ruoko mudenga vachiti,"Vatumwa veDenga waroverwa nhasi."

18 "Vamwe vaimupfira mate, vamwe vamurova, vamwe vachimutuka kuti, 'Zvaimbotizve ndiri Mwanakomana waMwari'."

19 "Vamwe vakati, 'Zvaaimutsa vakafa, nekuponesa mhetamakumbo, kabva chizviponesa'."

20 "Vamwe vakati, 'Inga wani akanga aine tsitsi, komurovera chii ko nhasi?'"

21 "Vamwe vakati, 'Zvakanga achiri munyika sanhasi, akanunura vazhinji murufu, muuroyi, mukupomba, mukuuraya, muruchiva, muumhanje, nemuzvizhinji'."

22 "Inga wanga wanishanda mabasa makuru munyika."

23 Pakarepo Matenga vakashevedzera, vatumwa vese veDenga vakabuda.

24 Vakatenderera Divi , asi vakanga vakawanda zvakange zvichityisa kwazvo.

25 Vatumwa ava vakauya vachichema vari pamberi paMatenga.

26 Rakadaro shoko raMatenga,"Kare Jesu vaichemiwa munyama."

27 "Taiti tabva kunopomba, touya pamanheru tochema."

28 "Tabva kuroya usiku hwese, tabva kumwa, kuputa fodya, kuchiva, kureva nhema, touya pasvondo setakodzera."

29 "Asi nhasi uno vakuchemiwa nevatumwa veDenga."

30 "Ndivo aya maona vachibuda vachitenderera Divi nhasi.nhasi."

31 Anodaro Matenga ,"Makanga makomborerwa pane izvi."

32 "Africa iwe, ndakanga ndakuuyira muchokwadi, bva chibarirwe bedzi."

33 "Mashoko ekudenga aifanira kuti atyisane nemwoyo yedu."

34 Ndakanzwa Gwayana richiti,"Ndinoita izvi nekuti handitye munhu kwete."

35 Pakarepo ndakaona richipa mabakatwa vamwe vatumwa nemambosvo.

36 Rikati,"Asi ndinoita zvinenge zvataurwa naBaba bedzi."

37 "Vaona vaona; chasara kwakuisa pfungwa kwakadzama"; rakadaro shoko. Amen.