Pipi Guru Mukati Mwevachena MuBulawayo
1 Pipi guru rakaitwa naMatenga muBulawayo rakatyisa chaizvo.
2 Mukati mevanhu vaiuya kuzoona basa raitwa naMatenga, makauyawo nevaprista nemadhikoni nevafundisi vaiuya kuzoona zvavo.
3 Zvino mumwe muprista wemurungu akauya achipokana.
4 Kuti uyu haasiri iye akatumwa naBaba kubva kudenga.
5 Zvino akati auya nemaBhaibheri avo kuti abvunze pamwe nemukadzi wake.
6 Atarisana naMatenga akatyiswa chaizvo, akati,"Ini ndinoda kureurura"; akabva areurura zvivi zvake zvose.
7 Zvino Matenga vakasimuka vakabata murume pamusoro, dhimoni rikabva rabuda.
8 Vakaisazve ruoko rwavo pamusoro pemukadzi, akabva abatwa nedhimoni.
9 Kuzoti murume abviswa dhimoni iroro, mukadzi wake akabva afa.
10 Zvino aona kudaro, akatya nekudedera, akati,"Afa."
11 Akakumbira kuna Matenga kuti amutse mudzimai wake.
12 Matenga akati,"Ihasha dzaMatenga nekuti mauya muchipokana pane izvi."
13 Matenga akatora mushonga wemvura akainamatira.
14 Mushonga iwo wemvura akaupa kumurume wacho akati,"Munwise iyezvino."
15 Anwisa mushonga iwowo, pakarepo mukadzi wake akabva amuka mukufa.
16 Akabva abatwa nemasimba zvinotyisa kwazvo, nekuti madhimoni aya akanga abviswa.
17 Akati,"Ichokwadi muri VaJehova, takanga tisingazivi."
18 Vazhinji varungu vakabatwa nemadhimoni panzvimbo ipapo.
19 Vazhinji vamwe vaiuya kuzoona, vainosangana navo Matenga paurefu hweusiku, vachizouya vozvipupurira vega.
20 Rudaviro rwevarungu ava rwakanga ruchishamisa kwazvo.
21 Pipi rimwe tiri mukati meDivi, Matenga vakanga vari kudaidzira zvifananidzo; nevachena vakabatwawo nezvifananidzo.
22 Mumwe mukadzi wemuchena akabatwa nedhimoni, mweya iyoyo yakaipa ikareurura ikakwidzwa kudenga.
23 Zvifananidzo zvaiti zvoburitswa zvaibuda zvakasiyana-siyana.
24 Zvimwe zvaiva zvemangoromera, zvimwe zvehuroyi, hupombwe, kuba, hutsotsi, hun'anga, nezvizhinji-zhinji zvakasiyana-siyana.
25 Nevamwe vaiuya kuzoona vaibatwawo nezvifananidzo pasina vakanga vachivabvisa mweya iyoyo.
26 Matenga vaiti vakashevedzera chete vari pakati peDivi, ndakaona zvifananidzo zvazere mukati muDivi imomo, vanhu vakakomberedza Divi iroro.
27 Dhorobha rose ranzwa mukurumbira weBasa raMatenga vakazunguzika.
28 Vanhu vakauya vakanyanya kuwanda; vamwe vavo vaikwira mumuti, sezvakaita Zakio kuti vatse kuona.
29 Mukati mekushanda basa umu, pakati svondo rimwe pakauya vaya vanoti tiri Mapositori, vakange vari makumi matanhatu.
30 Vakanga vanzwa nemukurumbira neBasa raMatenga.
31 Zvino vanhu ivavo vakauya vakadzakatira vasingazivi kuti ndiyani.
32 Zvino vasvika vakapiwa nzvimbo yekugara apo vainatsa kuona Basa raMatenga.
33 Ipapo ndakaona vamwe vavo Vapositori ava vachisimuka vachizunguza misoro yavo, vamwe vaizunguza vakagara pasi; zvairatidza kuti ava vanhu vakanga vakagarwa nemweya yakaipa.
34 Pakarepo shoko rakanga richiparidzwa zvaityisa kwazvo.
35 Mhundwa Muvhangeri akanga akagarwa naJobho zvaityisa, kuparidza uko akanga achiita.
36 Kuzoti Matenga vasimuka vakati,"Ini ndakauya kubva kudenga."
37 "Kubva mabasa ndiwo aya: vatumwa vakaburitswa, vana, zvirema, mapofu akauona vachizvipupurira pachavo."
38 Vapositori ava vakazoenda zvavo; vapamberi vakavamba kupopotedzana.
39 Vamwe vavo vachiti,"Uyu akauya muidi; taona mabasa anoshamisa kwazvo."
40 Zvino vakavamba kupopotedzana vachida kurwisana pachavo.
41 Vamwe vavo vakauya vakareurura pamberi paMatenga vakabatwa pamusoro.
42 Kunze kwevaya vakagarwa nemweya iya yemadhimoni vakasara vakadaro.
43 Kufanana nezvaita Ishe Jesu; vakadavira vakapona, vakapokana vakanoraswa. Amen.