Kushamisa KweEaster paGuta
1 Zvino yakati nguva yeEaster yakusvika, ndakaona Matenga vachiporofita kuungana kwevanhu vazhinji-zhinji muGuta ravo; vakati kuvanhu vavo,vachiporofita kuungana kwevanhu vazhinji-zhinji muGuta ravo; vakati kuvanhu vavo, "Ndiri kuona Chita chaMwari; ndichiona vanhu vazhinji-zhinji munyika yose irikudheenyeka nekuda kuuya pano paGuta.chaMwari; ndichiona vanhu vazhinji-zhinji munyika yose irikudheenyeka nekuda kuuya pano paGuta."
2 Vakati vapedza kutaura, vanhu vakauya kwazvo zvakatyisa aninaani; kukauya zviuru nezviuru, mazana nemazana evanhu akauya kuzotamba Easter paGuta raJehova.
3 Ipapo kutaura kwaBaba kwakabva kwaonekwa pachena nekuti vakanga vaporofita zviro zvizhinji.
4 Rakati rasvika zuva reChishanu chakanaka icho chakaroverwa Tenzi wedu pamuchinjikwa.
5 Ndakaona Baba vakapfeka nguwo tsvuku dzaipenya kwazvo, asi dzaiva mufananidzo weropa.
6 Matenga vakati vapinda Mudivi , vanhu vazhinji-zhinji vakatyiswa kwazvo.
7 Vamwe vanhu vakabatwa nemasimba zvikurukuru.
8 Ndakaona vamwe vachiwira pasi, nekuti vakanga vazadzwa nemasimba zvikuru kwazvo.
9 Rakava zuva rakatyisa munhu wese; vanhu vakatya vakafarazve.
10 Ipapo Baba vakaparidza nemashoko ekuroverwa kwaMambo Jesu.
11 Akati ava mangwanani zuva reMugovera, ndakaona Chita chikuru kwazvo.
12 Chakanga chichiimba rwiyo rwekuti"Watakura kuipa Jesu, kusiri kuipa kwake".
13 Vamwe vakanga vachichema, vamwe vakanga vakabatwa nemasimba.
14 Nekuti vakanga vachityiswa nezvakange zvakapfeka Baba, zvaipenya chaizvo.
15 Zvino vanhu vazhinji vaiparidza nekuvigwa kwaJesu.
16 Izvi zvose zvaiitirwa kuti chita chose chione kurwadza kwerufu rwaJesu.
17 Nekufungisisa mupfungwa kwakanga kuchiita vanhu.
18 Kuti vazive chokwadi chavo Baba.
19 Vanhu vakanga vari muGuta raBaba, rakatirasika zuva rekumuka kwaIshe Jesu.
20 Guta rose rakamuka pakati peusiku, nekuti raiva zuva rekumuka kweMurumbwana weMunhu muzuva reEaster. Tarisa Mateo 28: 1-20.
21 Vakanga vachiimba rwiyo rwekuti,Vakanga vachiimba rwiyo rwekuti, "Jerusarema Musha Wangu, Musha Wandinoda, Kana Ndapedza Mabasa Ndinoenda Kwauri.Musha Wangu, Musha Wandinoda, Kana Ndapedza Mabasa Ndinoenda Kwauri."
22 Zvino ipapo ndakaona mazana evanhu, zviuru nezviuru vakanga vakaungana muGuta.
23 Kwakati Baba vaona huwandu hwevanhu vavo.
24 Vakati kuna Baba,"Ndinoiteyiko kuti vanhu venyu vadavire kuti ndakauyazve zvirokwazvo, kuti varege kupokana mupfungwa dzavo?"
25 Baba vakaburitsa mapipi kuratidza ukuru hwebasa ravo pakati pechita chavo chikuru.
26 Pipi rekutanga raiva reMuzhanje, wakapinda muhana yemumwe murume achitaura achitsanangura nebasa iroro.
27 Ukati,"Ndini ndinouraya motokari idzodzo; kuone unenge achidarikira mirairo yaMatenga, nekuti motokari idzodzi ndedzaMatenga, hadzisi dzenyu kwete."
28 Pipi rechipiri ndereJecha, rakapinda muhana yemumwe murume richiti,"Pese pamunenge makagara munenge muchigara ini chete."
29 "Kana kumamisha kwenyu ini ndinenge ndiriko chete."
30 "Nevasingadi kutenderera paDivi pano, ndinovapinda mumiviri yavo chete."
31 "Nevese vanodarikira mirairo yaMatenga ndinenge ndichivaona."
32 Rikati,"Ini ndinongomurwadza chete kana mukadarikira, nekuti munondigara"; iri ipipi guru.
33 Pipi rechitatu kwakabudazve Gomo, richipinda muhana yemumwe richiti,"Ndini Gomo reMuuyu."
34 Rakatsanangura nebasa ravakatumiwa.
35 Baba vanoti,Baba vanoti, "Ndimo mandairara ndiri mugomo iroro reMuuyu usiku hwese; ndaishingirira Africa kuti ione ruponeso "; pane nezvizhinji zvakatyisa zuva rozvakaitwa kwazvo.
36 Nemapipi akabuda akawanda chaizvo.
37 Baba vamire pakati pevanhu vavo vazhinji-zhinji, vakati,"Zvino ndava kushevedza vatumwa veDenga vagare pamunhu umwe neumwe."
38 Ipapo ndakatanga kuona vatumwa veDenga vari mumakomo akapoteredza Guta .
39 Ipapo hana dzedu dzakazara nemasimba zvikuru, dzikaita sedzakuda kutsemuka neMweya Mutsvene .
40 Zvino mweya iyoyo yakagara pavanhu vamwe, vaitenderera Divi rose.
41 Zvino Baba vakasimudza ruoko, vese vakanga vakapindwa nemweya yevatumwa vakamhanyira kuna Baba vachiwira pasi petsoka dzavo vachiti,"Namata!"
42 Baba vanoti,"Ndinoda mwoyo yenyu chete kuti ndiende nayo kuna Baba kune hupenyu husingagumi."
43 Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakasimuka vachiimbaZvino vanhu vazhinji-zhinji vakasimuka vachiimba "Jerusarema Musha WanguMusha Wangu"; vakanga voimba vachifarira nebasa raMatenga.
44 Vaifora vachiti; veMateneti vega, vazere vega, vakanga vakapfekedzwa yunifomu vega, majaya nemhandara vega, varume veyunifomu vega, vapwere vegawo.
45 Zvaiva nemapato-mapato semazuva iwayo.
46 Kukava nerufaro rukuru kwazvo.
47 Ipapo Baba nevanhu vavo, vakanga vachiimba zvinotyisa kwazvo.
48 Zuva iroro kune varume nevakadzi vakapfekedzwa yunifomu vakawanda chaizvo.
49 Vapfeka vakapiwa mitemo semazuva ese, zvainzi,"Nhasi mapfeka nhumbi dzemweya, hadzidikanwi kuti utadze nadzo, kana kupomba, kana kuba, kana kunoroya, kupokana, nekuti inhumbi dzekurwisa nezvitema, naSatani."
50 Vese vakafarira nhumbi dzemweya mutsvene .