Zviratidzo Zvitsva muGuta Idzva
1 Vanhu paGuta raJehova vanoratidzwa zvinotyisa chaizvo.
2 Pakati nemumwe musi, Matenga vakanga vamire pakati pechita chavo chikurukuru kwazvo.
3 Vanoti,"Nhasi ndaona vakomana vaJeneti vaine zvikabudura chete."
4 Pakutanga, zvakanga zvakaporofitwa kwaSeke kuGuta rekutanga, Guta ravo.
5 "Zvandakati tengai zvikabudura mukaramba."Zvino ava vakanga vauya kuzoona Basa raMatenga chete.
6 Nanhasi, iyi yunifomu yakazovapo vanhu vepaGuta idzva mwaZimunya.
7 Vanhu vazhinji-zhinji, vakuru nevadiki, vakapfeka nguwo idzi dzemweya; kwete kupfekera panyama, asi pamweya nekuti zvatakaona hapana mukuru akambozviona zvekare.
8 Matenga vanotizve,"Pane vatumwa vaBeta naJames vanovachengeta, neapo vakange vachizopfutsira mbaura yaMatenga."
9 Iyeye mutumwa mukuru.
10 Kune vamwe vatumwa vanochengeta imba yaMatenga apo yakanga ichivakwa; vaigarapo usiku nemasikati, vaivapo.
11 Matenga vanotizve,vanotizve, "Pane mumwe mukuru wendanga, ndisingazivi zita rake, anonzi Aroni; ndiye anochengeta Guta rino, mukuru chaizvo.rino, mukuru chaizvo."
12 Nerimwe zuva, Matenga vamire pamberi pevanhu vavo vachitaura nezveDenga, vakati,"Nhasi ndaoneswa zvikuru kwazvo."
13 "Nen'anga yangu inondirapa inonzi ndiSamueri, mukuru kwazvo, anendebvu huru chaizvo."
14 "Ndiye anondisvitsira mashoko kuna Baba."
15 "Kana ndatadza, ndiye anondirwirawo."
16 Anoti,"Hamuziviwo here kuti makamupa basa? Ndoregererwa."
17 "Nemishonga, ndiye anouya nayo iye Samueri."
18 "Iye mutumwa uyu ndiye anondikumbirira izvo zvandinorapa nazvo zvose; ipipi guru irori.uyu ndiye anondikumbirira izvo zvandinorapa nazvo zvose; ipipi guru irori."