Guta Ra Jehova
Lesson 100

Matenga Vanoratidza Simba raVaJehova muBulawayo

1 Zvino Baba vakatangisa kuita basa mukati menyika yeBulawayo.

2 Pakanga pafanopa neChita chevanhu vanokwana makumi maviri nevashanu, vakanga vagarira kuti vabatwe pamusoro.

3 Svondo iyoyo yekutanga pakaitika mashura nezviratidzo.

4 Uye kuimba kwevanhu kwaishamisa kwazvo; Mukoma Nowa nehanzvadzi dzake vaiti voimba zvaishamisa kwazvo.

5 Kuimba kwevanhu ava kwakanga kusiri kwega, zvairatidza kuti vaimba nevatumwa veDenga vakanga vakavagara.

6 Kuuya kwevanhu ava kwaishamisa kwazvo; taiti tisati tapinda Mudivi taiona vatozara ipapo, vamwe vavo vachireurura.

7 Izvi zvakaratidza kuti Muridzi asvika kuzotora hwai dzake dzakanga dzakarasika seniwo.

8 Zvino vanhu vakatangisa kubatwa pamusoro avo vakatenda nemwoyo yavo yese kuti ava ndiBaba.

9 Pipi rekutanga ndere kuti pakauya mumwe murume akanga achipenga chaizvo.

10 Akanga akasungwa makumbo nemaoko, nekuti kupenga kwake kwakanga kwanyanyisa.

11 Pakati mangwanani iwayo, vanhu vakanga vakomberedza Divi nevakanga vauya kuzoona; paiva nemazana nemazana evanhu.

12 Matenga vakauya Mudivi rizere nemasimba eDenga; Nowa nehanzvadzi dzake vakanga vachiimba zvaityisa kwazvo.

13 Zvino benzi riya rakagadzikwa muraini rekuti ribatwe pamusoro.

14 Matenga vakaisa ruoko runoyera pamusoro pebenzi riya.

15 Pakarepo Gwayana rakati,"Musungurei kumusunga kwamakamuita."

16 Vanhu vakarisunungura; kupenga kuya kukapera.

17 Vanhu vese vakanga varipo vakashamiswa kwazvo.

18 Vakati,Vakati, "Chokwadi uyu ndiBaba akabva kudenga.uyu ndiBaba akabva kudenga."

19 "Ndiani munyika akambobata benzi neruoko chete hupenzi hukapera?"

20 Taifanira kurangarira uyezve taifanira kudzikisa pfungwa pakadzama, vanhu vaMwari, nguva ichiripo.

21 Pakarepo benzi riya rakasimuka rikazvifambira rega risina kusungwa.

22 Ndakaona mazana nemazana achiuya kuzopinduka.

23 Pipi rechipiri rakanga riri rekuuya kwevarungu, vaiuya kuzoponeswa.

24 Mukati mekuuya kwevarungu ava, makauya nevarungu vakuru vakuru, vedhorobha iro vachiuya nemhuri dzavo.

25 Mumwe mukuru wevarungu ava akati,"Ndinokumbira kuti vanhu venyu muvaburitse vari mumatirongo nevane mhosva dzekunyeperwa."

26 Varungu ava vaiuya usiku nemasikati, asi Matenga vakanga vasina zororo.

27 Pipi rechitatu ngeiri mukati mekuuya kwevarungu ava; pakauya chimwe chirema chemurungu.

28 Chirema ichi chakanga chakaremara makumbo chisingafambi.

29 Chareurura zvazviri, Matenga vakaisa ruoko rwavo pamusoro pemurungu iyeye.

30 Ndakaona chirema chemurungu chakasimuka chikafamba pamberi paMatenga nepamberi pevachena nevatema.

31 Panguva idzodzo mbiri yaMatenga yakasvika munyika iyoyo muvachena nevatema.

32 Zvirema zvizhinji zvevachena zvakaponeswa naMatenga nanhasi zvitoriko.

33 Pipi rechina ngeiri mukati mezvirema izvi; pakauya chimwe chirema chemunhu mutema.

34 Chakati chapedza kureurura, chikabatwa pamusoro.

35 Ndakaona chirema chiya chava kufamba choga chichibva kumusasa wacho.

36 Chakanga chiri kupembera chichiridza mhururu.

37 Chichiti,"Tarirai miti yandiyamura pakufamba kwangu ndarasa nhasi, ndakufambawo ndega."

38 Pipi rechishanu rakaitika muMazuva iwayo; mumwe murume akanga achipokana kwazvo.

39 Kuti uyu haasiri iye akatumwa kubva kudenga; achipokana mumwoyo make achishora basa rakanga richiita Matenga .

40 Kuzoti adzoka kumba zvake, akasvikowona Matenga neimbwa, akabva apenga.

41 Akatozouya otorapiwa hupenzi hwake.

42 Zvino murume iyeye akatozozvipupurira ava wadi, kuti iye akanga achipokana nebasa rinoitwa naMatenga saka akapenga.

43 Pipi retanhatu ndere kuti aninaani anoziva kuti Bulawayo mune matsotsi chaizvo.

44 Asi kugara kose uku hapana aichengeta kwete, asi Matenga nevatumwa vavo veDenga.

45 Zvino vanhu vese vairara panze, nembatya dzose, asi hapana akati akambobirwa zvake.

46 Mune mapipi mazhinji-zhinji kwazvo akaitwa andisina kunyora ese.

47 Dai chisiri chibarirwe, vanhu vaShe takanga takakomborerwa.

48 Tarisa Muporofita Isaya 5: 20-27.