Mukadzi Akamutswa Afa muHarare
1 Kwakati nerimwe zuva Matenga vari mudhorobha reHarare.
2 Kwakanga kuine mumwe mudzimai airwara nechirwere cheropa.
3 Uyu mukadzi akanga ambouya paGuta raJehova kare.
4 Ropa iri raibva muura; kuzoti oenda kwekugezera, ropa rakaramba richibuda rikaita semvura.
5 Rakatanga nenguva dzechitatu zuva rodoka. Vakabuda vachikambaira kunze kweimba yekugezera imomo.
6 Vamwe vakamutakura vakamuisa mumba, akabva afa.
7 Kuzoti murume wake auya kubva kubasa, akaona mudzimai afa.
8 Murume akafunga akati,Murume akafunga akati, "Ndinofanira kunoona Matenga ndivaudze zvese zvaitika pamba pangu nekuti vari muno mudhorobha,ndivaudze zvese zvaitika pamba pangu nekuti vari muno mudhorobha," akanovaudza zvose.
9 Matenga vanzwa shoko rekufa kwake, vakatambudzika kwazvo.
10 Vakasimuka vakaendako vachiimba Rwiyo 100,Vakasimuka vakaendako vachiimba Rwiyo 100, "Ishe Taungana". Vasvika ipapo vakati,"Baba ndiro basa randakauyira; zvaita seiko Matenga ??"
11 Vakabata paura pemukadzi iyeye, ropa rikamuka.
12 Matenga vakanamata, pakabuda mweya wetsvina wengozi.
13 Pakabviswa chumi kuti ngozi yacho itaure chainoda pamunhu iyeye.
14 Yakati,"Ndinoda mombe kuti ndidzokere kune akandiuraya."
15 Yakati,"Vakandipisira mumba kare kare."
16 Matenga vakasiya mushonga wavo wemvura.
17 Vakati,"Munozouya naye kuGuta mangwana."
18 Akasara akapona, ndokubva atevera Matenga kuGuta raJehova.
19 Kuzoti azoenda kuMatenga, vakanamatira hosha iya ikabva yaenda zvachose.
20 Nanhasi mudzimai iyeye anodavira kuti akaponeswa murufu urworwo.
21 Kusimbirira kunouraya mweya yose yakaiswa murufu urworwo.
22 Nekuti Mwari ane nyasha , ndiro basa raBaba. Mweya yakaipa pakushanda kwavo. Tarisa Johane 11 vesi 1-4.