Zvishamiso Nezvishamiso Zvakaitwa NeGwayana muBulawayo
1 Mutinhimira nemukurumbira wakasvika dhorobha rose.
2 Nowa vaiti vasimuka vachidanidzira vachiti,Nowa vaiti vasimuka vachidanidzira vachiti, "Ishe taungana, Matenga taungana mudivi renyu.renyu."
3 Kuimba uku kwaita kuti vanhu vafunge kuti rwiyo rusinganetesi rwuyonyi.
4 Nyika iyi yakanga yazunguzika chaizvo.
5 Vanhu vakanga vari mumahosipitari yeT.B. vakauya vakawanda kwazvo.
6 Vakati,"Isu tinoda kuti tirapwe, tipone zvedu."
7 Vamwe vakadzoka, asi vamwe vavo vakati,Vamwe vakadzoka, asi vamwe vavo vakati, "Isu tinoda kupona; pano pane ruponeso urwo tisina kumboona muupenyu hwedu.urwo tisina kumboona muupenyu hwedu."
8 Nematsotsi aiuya kuzoreururawo hutsotsi hwavo.
9 Ndivo vaya vakanga vari magororo; vamwe vakanga vasingadi nekutera mutero weHurumende, asi vakutoterawo.
10 Hapanazve munhu wenyika akambotwasanudza magandanga nemagororo munyika.
11 MuBulawayo makaitwa basa guru risina kumboitika munyika kwete.
12 Vanhu vaMwari, mwoyo wangu wakatya zvikuru kwazvo, nekuti zvaiyera kubatana nevarungu maoko.
13 Nevazhinji vakanga vadzoka munyika vakauya vakareururazve, vakabatwa pamusoro.
14 Zvino varungu vakuru vakuru vedhorobha iroro reBulawayo vakati,Zvino varungu vakuru vakuru vedhorobha iroro reBulawayo vakati, "Matenga , takanga tisingazivi kuti basa rako iguru zvakadai., takanga tisingazivi kuti basa rako iguru zvakadai."
15 "Zvino unofanira kuti uvake chechi; dai zvaibvira waitaura nevanhu vako, tingavapa nzvimbo yekuti ivakwe."
16 Asi apo Matenga vakaenda Bulawayo, hwai yakasara; kuzoti vapedza vhiki imwe, yakatevera naS. Zimunya naTsoka.
17 Asi Nowa muimbi akanga arwadziwa, ndiyo ikabuda paari ikataura.
18 Zvino hwai iyi yaishamisa kwazvo; pipi muchitima, yaifamba nevanhu vayo.
19 Kuzoti yasvika muGuta reBulawayo, Matenga vakabatwawo nemasimba zvakatyisa kwazvo.
20 Pakarepo Nowa naJobho vakabatwawo nemasimba; zvakaratidza kuti pasvika munhu mukuru kwazvo.
21 Chishamiso vanhu vaMwari; ndakaona hwai ichibatwawo nemasimba, mwoyo wangu wakadzamirwa.
22 Vanhu vaShe, ngatizivei kuti pane Matenga ndipo pane upenyu hwedu.
23 Zvino vanhu vakauya zvakanyanya kwazvo, kubva mumatiri mana enyika.
24 Vamwe vaibva Harare, Mutare, Sinoia, Sipolilo nedzimwe nzvimbo dzakatenderedza Bulawayo.
25 Vese vakanga vaine vatumwa vakuru vakuru: Gomo, Chemuuyu nevamwe vazhinji vakaenda kunoona Basa raMatenga.
26 NaIshe Nyakunu, Mai Chareka, nemapurisa eGuta vakateverawo.
27 Pazuva rekudzoka, Gomo akasimuka akapupura chaizvo, akati,"Nhasi ndichadzoka muGuta."
28 Nevakomana vekuMabasa vakanozvionera, vakapiwa kutya naMatenga, nekokakora yakaropafadzwa.
29 Pane zvizhinji zvakaitwa zvisina kunyorwa; zvimwe zvacho ndezvizvi: