Guta Ra Jehova
Lesson 171

Baba Vanogumisira Kuoneka Chita ChaJeneti Mudivi

1 Pakati Nerimwe zuva raiva zuva reChina chaJeneti, Matenga vakabuda kubva muNgarava yavo vakafamba vakauya Mudivi .

2 Apo Chita chaJeneti naMhiriyemu chakaona kudaro, chakaona nekufara kukuru chaizvo, neGuta rose rikafarira Baba.

3 Vasvika, vakamira pachigaro chavo vakatarira mukati meChita chavo.

4 Zvino vamwe vakati vatarisa Matenga , vamwe vaichema, vamwe vaibatwa nemasimba nekutarisa bedzi zvavanga vaita nekurwara.

5 Matenga vakati kuMuvhangeri Mukuru VaSekuru Nyamandura,"Isai muteuro."

6 Zvino vakati vapfugama vakatangisa kunamata; vapedza, Baba vakaramba vakatarira mukati meChita chavo.

7 Vakati kuMuvhangeri,"Ngatichiendei kuNgarava"; vakatungamidzana neMuvhangeri wavo.

8 Vakati vodakusvika paNgarava yavo vakati kuMuvhangeri,"Vatungamiriri vangu varikupiko?"

9 Muvhangeri akati,akati, "Vasara vari Mudivi , Baba., Baba." Pakarepo Matenga vashoko,

10 raMuvhangeri rikati,raMuvhangeri rikati, "Pemunenge mada kuenda napo Mwari wangu, handinga musarudzirei kwete.wangu, handinga musarudzirei kwete."

11 Zvino Matenga vakazoenda nepakati peNgarava negaraji ravo.

12 Kuzoti vasvika seri kweNgarava yavo, vakazogara zavo pedyo nemusuwo weNgarava yavo.

13 Kutambudzika kwaBaba uku kwaiti pamwe vaiva zvirinani.

14 Pamwe kutambudzika uku zvaibva zvanyanya, asi zvino mwoyo yevanhu yaibva yatambudzika zvikuruwo.

15 Taiti tafuma kumuka mangwanani, Charovanhumba achirira.

16 Zvino ndopataiteenderera neGuta rose tichichizogumisidza nepaNgarava yavo Baba.

17 Paiti nemusi weSvondo masikati pasvondo yezuva roda kudoka.

18 Baba vaibuda muNgarava yavo vakapfeka nguvo dzeMasoja; dzakanga dzichityisa chaizvo.

19 Zvino vaigara zavo pevanenge vada, vakatarisa kuDivi.

20 Zvino vanhu vese vaibuda kubva Mudivi vachiimba, vachienda kuseri kweNgarava yavo.

21 Ipapo vanhamo yevana veAfrica bedzi; dai Matenga vatitarirawo paupenyu hwemumwe nemumwe.

22 Zvaiti kana ukafunga mabasa avakaitirwa, ndiwo aisanganisa misodzi nemadzihwa.

23 Matenga ngavaropafadze aya mashoko avo nekusingaperi. Amen.

24 Matenga vagere zavo pasi vachitarira vana vavo.