Guta Ra Jehova
Lesson 83

Huchapupu Hwemunyori Webhuku Iri

1 Hama dzangu, ndinokuudzai kuti ndini ndakanyora iri bhuku; sandikuziva kwangu chete, Matenga ega vanoziva.

2 Ndinokuudzai kuti ndiri mudiki kwazvo apo munenge muchiverenga iri bhuku.

3 Ndinokumbirai kuti munatse kufungisisa, nekuisa ndangariro dzenyu kwakadzama.

4 Muedze kufungisisa nezvaitwa nevaporofiti vari muBhaibheri, muchifungazve zvakaitwa naIshe Jesu, nezvaiporofitwa muTestamende Itsva.

5 Mugozviunganidza pamwe, muchizvibvunza kuti: Vaporofita takavaona here?

6 Ishe Jesu takamuona here?

7 Muyeukezve mashoko akataurwa naShe Jesu ekuti,"Ndichakuunzirai Mweya Munyaradzi"; ko, takauona here?

8 Uchizvibvunza wakaisa mwoyo wako pakadzama. Tarisa: Johane 3: 32-36.

9 Uchitarisa zvakanyorwa muTestamende Itsva, nezvaiporofitwamo.

10 Zvainzi,"Ndakaona denga idzva nenyika idzva zvichiburuka kubva kudenga."

11 Ini ndinokubvunzai kuti zvamuri kuverenga, Matenga makamuona here?

12 Kana kuti Jerusarema haro rakabva kudenga makariona here?

13 Rakaonekwa kuna Zvakazarurwa 21: 1-4; muvhurezve Zvakazarurwa 22: 16 munozvinzwirawo.

14 Kubvira kuGuta ravo kusvikira kuGuta idzva, nemeso wangu ndakaona zvizhinji kwazvo izvo ndisina kunyora zvose muneriri bhuku.

15 Ndakaona mapofu achiona, mhanje dzemakore dzichibereka vana, zvirema zvichifamba, mhetamakumbo dzichitwasanurwa, mapenzi achiponeswa upenzi hwavo, vamatsi vachinzwa.

16 Asi chinoshamisa ndechekuti hosha dzese idzi dzinorapiwa neruoko rumwe chete pasina kuti uyu anotora chirwere cheumwe kwete.

17 Ipapo hapana anotora chirwere cheumwe kwete.

18 Ipapo zvakava nekundityisa kwazvo paupenyu hwangu hwese.

19 Vanhu vaMwari, maverenga zvose izvi, mumwoyo wenyu mafunga kuti,"Ndiyani imi anoita mabasa akadaro ese aya?"

20 Mukaisa pfungwa pakadzama munozvionerawo.

21 Zviri kwamuri imi neni kufungisisa zvose izvi.

22 Hama dzangu, takanga tadikanwa kuti tione chipo chakadaro isu tichiri vapenyu, tikachipihwa pachena; tanga takomborerwa naMwari kwazvo.

23 Hama dzangu, tisagadzirira upfumi hwepanyama.

24 Dai takwanisa kugadzirira upfumi hwepamweya; rinodaro shoko, vanhu vaMwari.

25 Zvenyama ndezvenyama, zvemweya ndezvemweya.

26 Tifungisisei kuti kumagumo kuchavei, kana vabva pasi pano.

27 Ngatiisei pfungwa pakadzama, vanhu vaMwari.

28 Mwari achatikomborera pakuverenga aya mashoko ake tose muna Mwari . Amen.