Musangano waJeneti naNoa paKirisimasi muGuta
1 Nguva yeKirisimasi yakati yakwana, matirimana ose enyika akauya muGuta semakore ose.
2 Nenguva idzodzo, Baba vakanga vari mumushingashinga, senguva yakanga yakwana.
3 Rakadaro shoko:Rakadaro shoko: "Jeneti naNoa varikushingaira pasi nemudenga kuti zvirege kuitika.naNoa varikushingaira pasi nemudenga kuti zvirege kuitika."
4 Kana neJerusarema harina kumboimbwa semakore ese, asi rakanga ratopfigwa nepamusana peshoko iroro.
5 Zvino iyoyo hamba-kamba huru yekuDenga, Jeneti , yakanga yiri kushingaira chaizvo.
6 Zvirokwazvo wakanga uri musangano waNoa naJeneti vakashingaira kuti tionezve upenyu mugore rino.
7 Kuzoti remangwana acho, masoja akanga asimo Mudivi sezvo rakanga riri zuva ravo.
8 Nemusi weSvondo masoja akazovapo, uye pakaratidzwa vana vese kubvira akaberekwa kwaSeke kusvikira nhasi; Divi rikazara rose.
9 Kuzoti zvapera izvozvo, Matenga vakati Jeneti arikuti iye zvino, shoko richibva kuDenga richiti:arikuti iye zvino, shoko richibva kuDenga richiti: "Motokari neupfumi hwese ndezvangu Matenga .."
10 Masoja akatowana zvose zvavapo.
11 Motokari dzose dzakafora dzikabuda nekunze kweGuta kuratidza nyika upami hwaVaJehova.
12 Pakazopfekwa Nguwo dzeRuponeso, mbatya yakafananidzwa nengirozi.
13 Pakaimbwa:Pakaimbwa: "Ishe waburuka kubva mudenga akazovadira mhamba refu pamuchinjikwa.waburuka kubva mudenga akazovadira mhamba refu pamuchinjikwa."
14 Rikadaro shoko:"Zvava kwauri kufunga kuti zvinoreveiko?"
15 Kuzoti tava kurindira Gore Idzva, shoko rakanga richityisa rekutendesa Musiki mukuchengetwa mugore Ravo.
16 Nemusi weSvondo wacho pakaratidzwa vana vakakwana 39 huwandu hwavo.
17 Mukati meshoko, munhu mumwe nemumwe akanga achitendesa kusvikira muGore Idzva.
18 Rinodaro shoko:"Pemberai makadzipfeka mbatya dzeMudenga, makachengetwa kusvikira gore rino 1960 tiri vapenyu."
19 Asi vamwe vari munyika vasangana nezvizhinji.
20 Asi basa rose kubvira paKirisimasi kusvikira paGore Idzva rakanga rakatakurwa naJeneti, hamba-kamba yekuDenga.
21 Mashoko angu ekupedzisira pazvinyorwa izvi anoti:"Woda kuraswa woraswa, woda kupona wopona."
22 Nekuti Matenga takavaona tikarinzwa; zvava zvako kuda kudzokera munyika.
23 Takanga takomborerwa vanhu vaShe; dai Gwayana ratipa simba rekuti tichengete zvirongiwa, bedzi ndihwo upenyu.
24 Matenga ngaaropafadze izvi zvinyorwa zvebasa ravo, rizotitonderawo mukuguma kweupenyu uhu muzita raMatenga nekusingaperi. Amen.