Kusvika kweshoko muGuta Rekupfuura kwaMatenga Munyika
1 Vakuru vakuru nevatungamiri veikoko vaona kuti chokwadi Musiki apfuura munyika iyezvino.
2 Vakaenda kundisa rupoti kuHurumende muChinhoyi.
3 Vataurira Mudziti weChinhoyi, vakabva vaendesa shoko iroro kuMudziti wekwaMutare.
4 Shoko rake rikati,Shoko rake rikati, "Taurira Guta ravo kuti Matenga vapfuura munyika.vapfuura munyika."
5 Shoko rasvika kwaMutare muna Mudziti, wakatumira ngosana yake, ikauya muGuta ikataurira Mambo Zimunya.
6 Yakati,"Munofanira kutora Jipi yavo zvichida muchauya navo kuno."
7 Mambo Zimunya vakauya neshoko iroro mukati meDivi umo makanga muzere nevanhu.
8 Makanga muchiparidzwa zvaityisa chaizvo.
9 Asi dzakanga dzava nguva dze 3 o'clock pasvondo yezuva rodoka.
10 Zvino Mambo Zimunya akati,"Ndatambira shoko rauya neNgosi, iyezvino kugedhi uko."
11 Rati,Rati, "Matenga vapfuura munyika havasisipo ba, vaenda mudenga ravo.vapfuura munyika havasisipo ba, vaenda mudenga ravo."
12 Zvino vanhu vose vakanga vakabatwa negetsi kanguva kashomanana ikako.
13 Vamwe vakaputsika pasi vakafenda, vamwe vakabatwa nemasimba, vamwe vakatangisa kuchema.
14 Vamwe vakatangisa kuzvipondera pasi, vamwe vakazobva Mudivi voitwa zvekutekwatekwa, vasingachagoni nekufamba kose.
15 Zvino Divi rose rakatinhira nemasimba zvakatyisa chaizvo.
16 Zvino vanhu vakazobva Mudivi vakazoungana paNgarava yaMatenga.
17 Chishamiso ndeichi: shoko risati rasvika muGuta musi weSvondo wacho, madzimambo vakafora vari pamberi pemasoja.
18 Takati tava kugeti, vanhu vachitamba masoja ngoma ichirira.
19 Pasi pakanga pachitinhira pamwe nedenga; zvikava nekutyisa munhu wese kuti chinyi ko?
20 Matenga ngavakomborere aya mashoko ave nekusingaperi. Amen.