Guta Ra Jehova
Lesson 121

Kushamisa Kwebasa Guru Munyika yaMambo Zvimba

1 Tava munyika iyi, Matenga vakati,"Vanangu musangano uno ndewevatumwa chete."

2 Svondo yekutanga munyika iyi, vashomanana vaiuya kuzoona.

3 Yaiti mharidzo yoparidzwa, vanhu vaishamiswa kwazvo vachiti,"Vanhu ava handi kuparidza kwavo asi kutoti pane chakavagara."

4 Svondo yekutanga vanhu vakauya zvakanyanya, uye yakanga iri svondo yekuratidza vana.

5 Chishamiso, vana ivavo vakapiwa mazita maviri-maviri.

6 Uye vakanga vari vana vemhanje dzemakore; vakakwana makumi matatu vane vana vatatu zuva rimwe chete.

7 Kuzoti zuva rodoka resvondo iyoyo, Matenga vakasimuka vakati,"Noa simuka ushevedzere."

8 Pakarepo Noa akaimba rwiyo dzindePakarepo Noa akaimba rwiyo dzinde "Tenzi TaunganaTaungana".

9 Matenga vakashevedzera bedzi kuti,"Zvidhori!"Pakarepo vanhu vakatanga kubatwa nemadhimoni.

10 Madhimoni iwayo aireurura achifamba, achitaura icho akatandwa nacho kudenga, achitaurira vanhu vese vakanga varipo.

11 Vaiuya kuzoona vaya, vamwe vavo ndakaona vachibatwawo nemadhimoni mweya yetsvina.

12 Ndakaona vachitizira musango pasina vaivanunura, nekuti vakanga vasingadi kureurura.

13 Vanhu vakatendeuka vakakwana mazana matatu pasvondo nhatu.

14 Zvisina kumboitika munyika; hapana Chita chakambodzoka zvakadaro.

15 Vakapfeka vakakwana makumi mashanu nevatatu; ndivo vakapfeka mabhande neyunifomu yeMweya Mutsvene vakakwana makumi masere nevana.

16 PaGuta ipapo pakanga pafanogara vanhu kwemwedzi mitatu vakarindira Matenga .

17 Pakauya mumwe vakanga vagara makumi matatu vaine hosha yepfavi.

18 Kuzoti vabatwa neruoko runoyera vakabva vapona hosha yavo iya.

19 Mumwe akati iye akagara gumi remakore nematatu achibuda ropa, asi asvika, abatwa neruoko bedzi, ropa rakakamuka, harina kuzouya zvekare.

20 Kune vazhinji-zhinji vakaponeswa naMatenga munyika yeChinhoyi.

21 Mazuva iwayo, pakati nerimwe zuva pakauya mumwe mukadzi aiva nerosari muhuro yake.

22 Zvino madhimoni arikuburitswa, ndakaona achibudirwawo nedhimoni, akatanga kuribvarura.

23 Zvino vanhu vakanga varipo vakati,"Ko zvevanomboti tiri furumemba dzechechi wani?"

24 "Ko dhimoni rabva kupi?"zvikavanetsa mumwoyo yavo.

25 Vakati,"Nyamba tiri kunyengedzwa."

26 Bedzi uyu anoita mashura nezviratidzo; Mwari wezvechokwadi watishanyira munyika yedu.

27 Zvirokwazvo Matenga rakanga raenda kunoponesa hama dzedu dzakanga dzakaremerwa kufanana nesu.

28 Nerimwe zuva Gwayana rakaenda paChinhoyi Caves pane zvizhinji zvakarongwa ipapo.

29 Motokari zhinji dzakatevera Gwayana , imwe yayo yaiva yaVaZengeni vekwaMutare.

30 Basa guru rakaitwa mukati meChinhoyi vanhu vaMwari; kuchemerera kuna Matenga ndiwo upenyu nekuchengeta mirairo yavo. Amen.