Guta Ra Jehova
Lesson 93

Matenga Vanoenda Zaka

1 Rakati nerimwe Svondo Matenga vakati,"Vana vangu, paita rwendo rwekuenda kuZaka."

2 Zvino Matenga vakatora Charisi naJohane vakanga vachifambisa ngarava mbiri.

3 Vari mukati merwendo, zvino ngarava imwe yakafa; haina kuzosvika uko vakanga varikuenda.

4 Kuzadzisa zvakanga zvarongwa naMatenga.

5 Asi ngarava yaMatenga yakasvika zuva iroro.

6 Mungarava umu maiva naMatenga, naJobo, naJohane, naChigurangu, Mai Hudzi naMai Dokwani.

7 Mukati mekufamba umu, motokari dzaibhururuka chaizvo.

8 Vakanga vaenda kunoona vana vavo.

9 Kuzoti ava mangwanani acho, Matenga vari kufambafamba zvavo, vakasangana nevamwe vanhu vaviri.

10 Mumwe wavo akati,"Mhoroi"; zvino mumwe akati,"Unoti mhoroi, wakamboona munhu akadaro here?"

11 Vakati fambei zve, vakasangana nevamwe, vakavatizazve.

12 Vanhu ava vakatya kutarisana nechiso chaMatenga vakauya muAfrica.

13 Rava zuva remangwana acho, Matenga vakati,"Nyika ino yazunguzwa, vana vangu,"Baba vadaro.

14 Remangwana acho vanhu vakauya vazhinji-zhinji vachiti,"Isu tauya kuti tiponeswe."

15 Zvino Matenga vakati,"Kwete, handisauya kuno kuti ndishande basa, asi ndauya kuona vana vangu; anenyota ngauye kuGuta."

16 Asi vanhu ava vairamba vachiuya kusvikira tisimuke kuuya.

17 Pamba ipapo pakashandwa basa guruguru kwazvo, paropafadzwa naMatenga.

18 Pakaitwa mapipi nemapipi, ndipoka pazopfekedzwa Mutumwa wePikacha ipapo. pipi rinotyisa nemwoyo wangu kana ndarirangarira.

19 pipi rimwe nderekuti pakaita rwizi, zita racho rikanzi Dheneti.

20 Kuzoti tamuka remangwana acho, takamuka paita sepanaya mvura.

21 Kuzadzisa zvakanga zvarongwa, pakaita basa guruguru kwazvo.

22 Pakaitwa mashura nezviratidzo izvo ndisina kunyora zvangu zvose. Tina Mwari , vanhu vaMwari. Amen.