Muporofita Haarumbidzwi Munyika Yekwake
1 Zvino yakanga iri nguva yemangwanani; vatumwa vakanga vabva kuburitswa, vachitenda nebasa rakanga rashandwa.
2 Matenga vakati vatumwa vauya mapato nemapato.
3 Vamire Matenga vakati,"Vanangu, mharidzo yenyu yanzwikwa naBaba."
4 Rikati,"Makwaya ngavauye vachiimba nenzimbo dzakasiyana-siyana."
5 Gunde yakatanga kuimba. Vanhu vaiti kana vapedza kuimba, vamwe vaitaura kuponeswa kwavakaitwa pamberi peGwayana.
6 Pakasimukawo mumwe akataurawo mashoko ake asi haana kufadza vanhu.
7 Baba vakati,"Pururudzai, idhimoni."
8 Ipapo Baba vakagumbuka, vanhu vaMwari.
9 Rikataura machererano nekuda kuripisa Matenga .
10 Rakadaro shoko raMatenga,Rakadaro shoko raMatenga, "Chisikwa kuda kuripisa Musiki ??"
11 Zvino rakatsanangudza nemuchato weMwanakomana waro; ndicho chakanga chiri chikonzero.
12 Shoko rikati,"Handisiri iye, asi ndiri mumwe."
13 Pakarepo ndakaona hondo yevatumwa ikasimuka ikazara Divi rose.
14 Vatumwa ivavo vaitsvaka-tsvaka Divi rose.
15 Pakarepo Mutumwa Gomo vakasimuka, vakamubata nemaoko maviri vakamukandira kunze kweDivi.
16 Dai akanga asiri Mutumwa Gomo, hamhenowo zvaitika zuva romuvatumwa ava.
17 Ndakaona Noa, Mosesi, Aroni, Jeneti nevamwe vatumwa vachitsvaga-tsvaga Divi rose.
18 Ndikati,Ndikati, "Haleluya, Haleluya, Matenga ngavarumbidzwe,ngavarumbidzwe," rakauya nehondo yevatumwa veDenga.
19 Zvakava nekutyisa aninaani akanga aripo zuva iroro.
20 Rikati,"Ndatakudzwa muchinjikwa, vanangu."
21 Ngatirityei vanhu vaShe, uye ngatirirumbidzei usiku nemasikati.
22 Uye vakauya, Musiki wechokwadi, vanhu vaShe.
23 Hazvina mhosva kana vachiriziva panyama; kana usateerera mitemo yaBaba, unonoraswa bedzi.
24 Vanodaro Baba,"Ingawani kuDenga hakuna kuti uyu ndinhingi wangu; kana asina kuchengeta mirairo, hauna nzvimbo muDenga."Tarisa Johane 15: 1–27.