Matenga Vanoenda Bulawayo
1 Matenga vakanga vachishanda basa guru kwazvo mukati meGuta.
2 Zvino chita cheBulawayo chakauya nechichemo chavo pamberi peGwayana kuti chida vangashanyirwa, sezvakanga zviri kuitwa dzimwe nzvimbo.
3 Chichemo chavo chakatambirwa naMatenga; zvirokwazvo pakarongwa rwendo.
4 Rwendo urwu rwakarumbidzwa, rwarumbidzwazve, nekuti rwaizivikanwa pasi nemudenga.
5 Kuzoti zuva rasvika, Baba vakati,"Rwendo rwarumbidzwa vana vangu."
6 Pakarepo Baba vakati,"Denga rarongedza, varwi nemasoja kare."
7 "Vamwe vavo vagadzirira kuti vafambe rwendo urwu."
8 Vanhu vakanga vaudzwa kuti vanozosimuka muGuta Nemusi weSvondo.
9 Baba vakati,"Ndinozotevera Nemusi weMuvhuro."
10 Mangwanani esvondo iwayo rakauya Mudivi .
11 Makanga muchiimbiwa zvakanga zvichityisa kwazvo, uye makanga muine masimba akanga achityisa kwazvo.
12 Kuzoti vanhu vapedza kutenderera Chigaro chine Upenyu.
13 Baba vakasimuka vakati,"Nhasi ndiro zuva rerwendo rweBulawayo."
14 "Zvino ndinokumbira Baba kuti vasesedze vanhu vavo, kusvikira vasvika panzvimbo ipapo."
15 "Uye ndinokumbirazve Baba kuti mukati merwendo irworwu neikoko kuve nemapipi."
16 "Murwendo umu maifanira kuti muve nepipi ravo,"rinodaro Gwayana riri kupa zviziviso zverwendo.
17 Pakarepo rakati,"Vatumwa verwendo, pamwe nevanosara vari muGuta muno pamwe naBaba varimuno..."
18 "...nevatumwa vafanoka ikoko ngavauye iyezvino."
19 Kanguva ikako Matenga vakati,"Yava nguva yenyu yekuti mubabame iyezvino."
20 Vakasimuka, hana dzavo dzizere, vachitenderera Divi .
21 Vakanga vari vatumwa vechokwadi vakanga vakagara pamunhu umwe neumwe.
22 Vanhu vekuBulawayo, VaG. Gondo naMasendu, nevamwe vavo vakanga vatomira mari yekuti vanhu vakwirise ndiyo Chitima.
23 Zvino mari yakanga isina kuzokwana kuti Chita chose ichi chiende.
24 Kwakanga kuine vamwe vanhu vakanga vaine chido chekuda kuti vanopupura chokwadi chaMatenga.
25 Vanhu ivavo vakakwira nemari dzavo, vachiti mumwoyo mavo,"Tinoda kunozvipupurira kuti ndiyeyu akatiponesa kubva mumatambudziko."
26 "Avo takanga tashaya akanga atinunura, asi iye auya pasi pezuva, tava varume nevakadzi vakakodzera."
27 Vanhu vakakwira mubhazi raNkomo vachiendeswa kunokwira chitima.
28 Vasvika paSiteshini, vakapiwa maturoko matatu.
29 Pipi raVaJehova; mukati mematuroko umu makanga musingadiwi munhu anokwira imomo asiri weGuta.
30 Vakanga vakachengetwa nevana Mabarani vaviri, I. Rusike naMakuwerere veGuta.
31 Vakanga vachiimba rwiyo rwakauya naVaJehova,Vakanga vachiimba rwiyo rwakauya naVaJehova, "Tenzi Taungana Mutakuri WezvoseTaungana Mutakuri Wezvose".
32 Remangwana acho Matenga vakaoneka vanhu vavo Mudivi .
33 Vakati,"Mese muri pano, hamudikanwi kuti mubve pano kusvikira ndidzoke murwendo urwu."
34 "Asi Guta rakasara rachengetwa naVaJehova.rakasara rachengetwa naVaJehova."
35 Zvino makasiya Muvhangeri Johane; ndiye akasiiwa ari muGuta, achitarisa vakanga vachiuya pamwe nevakanga vachirwara.
36 Vakanga vachirwara ava vairapiwa neGwayana nerudaviro rwake munhu.
37 Kuzoti Ngarava yaMatenga yava kusimuka muGuta.
38 Ndakaona vanhu vachipembera vane zvigurangu zvavo, vamwe vaitsvaira nzira.
39 Kupembera kwavo kwakanga kuri kwekuti,Kupembera kwavo kwakanga kuri kwekuti, "Zvirokwazvo, Matenga vari kunoponesa hama dzedu.vari kunoponesa hama dzedu."
40 "Dzakanga dzakaremerwa sezvatakanga takaita kare."
41 Mutyairi weNgarava yaMatenga akanga ari Muvhangeri Chareka.
42 Vakasimuka mangwanani vakasvika muBulawayo manheru.
43 Zuva iroro rakasimuka Matenga , makaita chishamiso chikuru kwazvo mukati menyika.
44 Pipi guru; kwakabva chinhu chikuru chakanga chakafana nenyeredzi.
45 Chakanga chichipenya chiine mitsara, chaifamba sendege.
46 Chakabva kumabvazuva muGuta chikaonekwa nemunhu wese wenyika, kubvira kwaMutare kusvikira muBulawayo.
47 Chakaonekwa nevanhu vatema nevachena; hapana asina kuchiona.
48 Nevanhu vese vakanga vari muchitima cheGwayana vakachiona.
49 Zvirokwazvo izvi zvakaratidza kuti Matenga asimuka muGuta atungamirirwa nenyeredzi.
50 Yasvika muBulawayo yakasvikonyangarika pamusoro pemba yaMatenga yakanga yakavakiwa neChita cheGuta reikoko.
51 Matenga vakasvikira kumba yaGondo uyo akanga ari Mutungamiri.
52 Kanguva kashomanana akanoratidzwa panzvimbo yakanga yagadzirirwa Guta .
53 Akabva waratidzwa imba yavakanga vavakirwa, yakanga ichityisa kwazvo.
54 Matenga vari kupinda mungarava iyoyo.
55 Kwakatinhira denga nepasi, zvikatinhira; dhorobha rikazunguzika.
56 Vanhu vakanga vachiimba zvaityisa; pipi rakabuda ipapo ndeiri:
57 Vanhu vese vakanga vachiimba vakati pamwepo chete kunyarara.
58 Zvino kutinhira kwedenga nepasi kwakadzika nemunhu wese; vanhu ava vakaita sevabatwa negetsi.
59 Kuzoti remangwana acho Matenga vakanouonana naMudziti nevakuru vedhorobha iroro.
60 Kuzoti vadzoka, vaya vakauya nechitima vakabva vasvikawo zuva iroro.
61 Zvino pakanga patova neChita chakanga chagarira kuti chitoreurura zvivi zvavo pamberi paMatenga.
62 Zvino nzvimbo iyoyo yakanga ichidanidzwa kuti inzvimbo yeropa.
63 Nekuti yakanga ichisourairwa vanhu nematsotsi eimomo.
64 Matenga vakanga vati vanhu veGuta veikoko vakanga vagarwa nevatumwa chete.
65 Kuita kwavo kwakanga kuchishamisa kwazvo.