Musangano WeMabaneri
1 Kwakati Basa raMatenga riri kukura zvirokwazvo.
2 Zvirongwa nezvirongwa zvakanga zviri kuwandudzwa.
3 Nguva dzose chataurwa naMatenga chinodzadzikiswa.
4 Matenga vari kuti,"Ndanzi naBaba, vanhu vaenda kuGunde, ko mabaneri ari kupiko?"
5 "Inga vanhu vako havana mabaneri."
6 Kuzoti kwapera mazuva mashomanana, Matenga vaenda kuChipinge vakadzoka.
7 Matenga vanoti,"Baba vati vanhu vakanga vapfekedzwe mabaneri."
8 "Kuzadzisa izwi raMatenga pasi penyika."
9 Mr. Mhundwa ndivo vakatanga kupfekedzwa Baneri vataurirwa mhando yacho.
10 Taona zvirokwazvo vanhu vese vakatengawo; nekuti chese chaitaurwa naMatenga vaiziva kuti chine upenyu husingagumi.
11 Svondo iyoyo yakapfekedzwa vanhu mabaneri, pakava nemusangano mukurukuru kwazvo.
12 Zve ndiro svondo rakatutsirwa Mweya Mutsvene munyika yose.
13 Vanhu vakatambira Mweya iwowo.
14 Vanhu ivavo vakanyorwa naMabarani Enos Rusike weGuta, nemuMatenga vakanyorwawo.
15 Raiva zuva reMugovera, vanhu vazhinji-zhinji vakanga varipo.
16 Matenga vaiva nemasimba anotyisa kwazvo.
17 Vanhu vari kuimba vachitenderera Divi rine upenyu.
18 Vanhu vakanga vatambira masimba vagere pakati.
19 Ndakaona Matenga vachisvetuka sokunge vanoda kubhururuka, hama dzangu, vazere nemasimba anotyisa kwazvo.
20 Ndakaona vanhu vachitenderera Divi , Baba vachimhanya apa neapa sevari kubhururuka, semufudzi ari mukati mehwai dzake.
21 Baba vari kumhanya zvakadaro, ndakaona vanhu vachibatwa nemasimba zvakatyisa munhu wese akanga aripo.
22 Kuzoti tapedza kutenderera, Matenga vanoti, vaive pakati peDivi vanoti,"Ko vana vangu munoti manga muri pasi pano here?"
23 "Ko nhasi waona mashura nezviratidzo, unotii? Mupfungwa dzenyu mafunga zvipiko nhasi?"
24 "Guta rose ranga risiri pasi pano asi mudenga, ratorwa rose naBaba.rose ranga risiri pasi pano asi mudenga, ratorwa rose naBaba."
25 Tose isu takaona kuti zvirokwazvo zviro izvi tichatongwa nazvo kana tisateerera mirairo yaMatenga.
26 Vanhu vakatambira Mweya vakanyorwa vese.
27 Kuzoti rava remangwana, vanhu ava masikati vakapfekedzwa Mabaneri vakawanda kwazvo.
28 Vaipakati pemabaneri emumusha kumusoro; zvakava nekutyisa kwazvo.
29 Vanhu vose vakabatwa nemasimba zvinotyisa.
30 Ini pfungwa yangu yakashaya nepekuenda, ndikafunga ndikati Mwari vakadzika munyika; hameno hake achirikuti Mwari achikumusoro; vakauya hama dzangu.
31 Dai muAfrica isu tose taziva kuti Mwari akadzika, taizova neupenyu husingagumi narinhi.
32 Kuzoti ava manheru, Baba vakanga vazere nemasimba anotyisa kwazvo; avakuda kurapa raini revarwi.
33 Vanoti,Vanoti, "Vese vapfekedzwa Mabaneri ngavauye Mudivi .."
34 Bva rwiyo rwavakaimbirwa iwo rwakatyisa hama dzangu, nguvaimwe neimwe apo vanenge vachirapa vemabaneri.
35 Vanoimbirwa,"Watakura kuipa Jesu kusiri kuipa kwako."
36 Ini ndakanga ndapfekedzwawo, mwoyo wangu wakatya nekudedera.
37 Ini kuita kwaMatenga kunoshamisa nguva dzose, ngatibatisisei chatakaona hama dzangu.
38 Zvava zvako kuzviona ukapfekedzwa kana kuti kwete.
39 Mapipi nemashura wakafeka zvako; kabva netsitsi dzavo waanaro.
40 Asi hazvina kumboitika munyika kuti iwe neni muAfrica tipfeke mabaneri omumusha.
41 Ngatiisei pfungwa pakadzama vanhu vaMwari.