Kufumurwa Kwezvinhu Zvose Munyika yeChinhoyi
1 Tava munyika yeChinhoyi, zvinhu zvose zvakanga zvakaremera nyika iyoyo, nezvainamatwa nevanhu veko zvakaiswa pachena.
2 Nemhondoro dzose dzainamatwa dzakaiswa pachena.
3 Mvura yakanga ichida kunaya zuva iroro rekutanga, nerechipiri, nechitatu.
4 Matenga vakati,"Vanangu ndiri kufamba mukati memvura."
5 "Uye ndaona vanhu vandakabata pamusoro vari kuuya vakawanda kwazvo."
6 Zuva reChina neChishanu ndakaona vanhu vakawandisa.
7 Vamwe vaibva Guruve, vamwe Harare; izvi zvakadzadzisa zvakanga zvarongwa neMweya.
8 Chishamiso ndeichi mukunaya kwemvura yose yakanga ichinaya ikoko.
9 Matenga vauya Mudivi vakati,"Mvura iri kunaya iyi haisi yaVaJehova kwete."
10 "Asi ndeyedzimhondoro dziri kuno, kufanana neye kuGuruve iya."
11 "Saka ndidzo dziri kunayisa mvura yose iyi."
12 Matenga vakati,"Ndichati ndataura naBaba VaJehova, vanondinzwa wani nguva dzose."
13 Varanda vaMwari, apa pakanga paita mapisi kuti,"Zvaanoti vakatumwa wani kubva muDenga."
14 "Timudzinge munyika yino, tizosara tooti kuvanhu, zvaanotizve ndakauya kotamutandanisa wani nemvura."
15 Nyamba dzakanga dzisingazivi kuti ndiMwari wadziri kuitana naye mapisi.
16 Matenga vakati,vakati, "Paurefu hweusiku ndirere, ndaona n'anga dzacho dzichiuya dzemhondoro.dzacho dzichiuya dzemhondoro."
17 "Zvino ndataura nadzo ndikadzinyengetedza, ndikati, 'Ko hamudi here kupinzwa muDenga?'"
18 Vakati,"Ndaona mhondoro iyoyo ichiitamba chaizvo mukati memvura."
19 Vanhu vaMwari, hapana chakavanzika pamberi peGwayana, zvese zviripachena.
20 Zvino mhondoro idzodzo dzakaburitswa, dzikataura zvizhinji, dzikakwidzwa kuDenga.
21 Guta iroro rakanga rakavakirwa pedyo negomo rinonzi Nyashoko raiva kumadokero.
22 Vanhu vekoko vakanga vagadzira kudya kwakakwana chaizvo.
23 Vanhu vaMwari, munyika iyoyo makaitwa mashura nezviratidzo zvisina kumboitwa munyika.
24 Bedzi vakauya muChokwadi, vanhu vaMwari; ngatitendei nguva ichiripo. Amen.