Guta Ra Jehova
Lesson 128

Huwandu Hwekuponeswa Kwevanhu muHighfield, Harare

1 Vanhu veHarare vakanga vagadzira kudya kwakakwana kwazvo.

2 Uye kwakashandwa basa guru rakatyisa kwazvo.

3 Pamasvondo maviri aya vakabatwa pamusoro vakakwana mazana matanhatu nemakumi mana (640).

4 Vakapfeka mabhande 110, varungu makumi maviri nemumwe (21).

5 Hakuna svondo yandakamboona ingapinduka vanhu zvakadaro.

6 Vakapfekedzwa Mweya Mutsvene vakakwana 154.

7 Vanhu vakauya kuzoona vakakwana 16,000 huwandu hwavo.

8 Pakaurayiwa mombe 4, masaga eupfu 25; hwaipiwa vanhu pasina mutengo.

9 Chita ichi chakanga chavaku shandira Matenga acho zvazviri.

10 Tsitsi dzaMatenga dzinoshamisa kwazvo vanhu vaMwari. Amen.