Guta raMiriemu
1 Guta raMiriemu iGuta rinotyisa kwazvo; Guta roMutumwa mukuru weDenga.
2 IGuta revasikana nevaya vakapfeka Ropa raKristu.
3 MuGuta imomo munopindwa nemunhu akateerera mirairo yeGwayana.
4 Vane rwiyo rwavo runonzi,Vane rwiyo rwavo runonzi, "Ona vanhu vako Mwari , ko dzose nguva unovachengeta iwe, ko dzose nguva unovachengeta iwe".
5 Ndimo mune vasikana vakapfekedzwa G.C.U. ruwadzano , nechita chake chakapfeka.
6 Tarisa Eksodho 15: 1–21; ndimo munoratidza chokwadi bedzi chaBaba.
7 Zvino Baba vakaisa chiziviso cheupenyu husingagumi chemweya, vakavamba kutsanangudza vachiti,
8 "Apa iGuta reJerusarema; apa raMambo Jesu; apa pana Noa naMosesi; Guta raMiriemu pane Gomo refu neMuwuyu; kouya Guta raJeneti; pamberi pane rukova runonzi Deneti.raJeneti; pamberi pane rukova runonzi Deneti."
9 "Touyazve nemberi kweJerusarema, kune Vafemberi neVachenjeri."
10 "Ndivo vanotaura zvose zvinoitwa mumaguta ose aya."
11 "Ndivo vanonyora zvose, zvinonyorwa nepenzura nemashini, kwete zvemunyika."
12 "Kana wafa uri muGuta raVaJehova, wakachengeta mirairo yaBaba, uchanosangana nazvo zvose izvozvi. Amen."